Mhuri yoteverwa nemoto wemanenji . . . mari yonyangarika munharembozha

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuChirasavana kudunhu raMambo Seke, kuMashonaland East inoti yaona nhamo nekuteverwa nemoto uyo unonzi unongotanga woga uchipisa midziyo nedzimba.

Sekunge izvi zvishoma, mari inonzi inongonyangarikawo mudzimba pamwechete nemunharembozha.

Manenji aya akatarisana

naMai Ellah Chiengerere (48) avo kumusha vanobva kwaChirikiti kwaMambo Neuso, kuSanyati uye vakazoroorwa kuMhondoro.

Vanoti vashaya zano rekuita nemoto wemasaramusi uyu.

“Semhuri, takatarisana nedambudziko rekupisirwa dzimba nemidziyo nemoto unongotanga woga mudzimba. Unogona kungotanga kunyangwe pambatya dziri mumadhishi nemumawodhiropu nedzimwe nzvimbo dzakasiyana.

“Dambudziko iri rakatangira kumba kwevabereki vangu kuUnit M, kuChitungwiza nemusi wa14 Chivabvu mugore ra2021 uko kwaigara vana vangu vaviri,” vanodaro Mai Chiengerere.

Vanoti moto uyu wakangotanga woga ndokupisa midziyo yakasiyana nemipanda yedzimba uye panguva iyi vakafunga kuti zvaive zvakonzerwa netambo dzemagetsi dzinogona kunge dzabatana.

“Dambudziko iri rakaenderera kusvikira moto uyu wakatevera kumba kwatairoja kuUnit K ukanopisa dzimba dzatairoja nembatya. Kumba kwevabereki vedu kwaigara vana nevabereki vangu, kwakazobatira kechipiri ndipo patakazoona kuti paiva nechivanhu

chaiitika,” vanodaro Mai Chiengerere.

Vanoti moto uyu wakazovatevera zvekare kumusha kwavo kuChirasavana uko wakazosvikobatidza mbatya muimba yavo yose yemipanda mina dzikatsva dzose.

“Moto uyu wakangobatira woga wakapisa midziyo yose kusanganisa mawodhiropu, kitchen unit, mibhedha, mbatya dzedu nedzevana dzechikoro, mapoto nendiro nezvimwe zvakasiyana. Takaedza kuudzima ukatadzika,” vanodaro Mai Chiengerere.

Vanoti moto uyu wakaenderera mberi ukapisawo dzimba mbiri dzehanzvadzi dzavo pamba pevabereki vavo uye midziyo yose ikaparara.

Mudzimai uyu anoti anoita basa rekunohodha zvinhu kuSouth Africa achitengesa.

Nguva pfupi yadarika, moto wemanenji uyu unonzi wakadzokora kupisa imba yavo yekuChirasavana midziyo yose ikaparara zvekusara nembatya dzaiva pamuviri pavo chete.

“Kunze kwekutsvirwa nedzimba nemoto, semhuri tinoshaya mari mudzimba yatisingazive kuti inoenda kupi, inongonyangarika. Baba vangu vakaunza mari inokwana US$1 400 vava kurwara tikaishaya mumba. Baba vashaika mari yavo yechema US$245

takaishaya yose mumba. Mari inotumirwa munhare dzedu inongoerekana musisina,” vanodaro Mai Chiengerere.

Vanoti chekudya chakaita senyama inoshaikwa mumapoto ichitorwa nezvinhu zvisingaonekwi.

“Nyama chaiyo tinoishaya, takamboshaya nyama yechitaka neyehuku. Zvinhu izvi zvinotora zvinotumidzira mashoko panhare dzedu kuti taitoraka nyama yenyu kuti tifanane, munoda kudya zvinonaka mega,” vanodaro Mai Chiengerere.

Vanoti munhare dzavo, kusanganisira yavo neyemurume wavo ari kuSouth Africa, munotumirwa mashoko avasingazive kuti anobva kunaani asina nhamba achivataurira zviri kuitika.

“Zvinhu izvi zvinotumira mashoko panhare dzedu ekuti ndisu tatora mari yenyu. Kwatinofamba kunonzi mumwe wevana vedu vaviri ndiye ari kushandiswa mumasaramusi aya sezvo achinzi ari kuda kupinzwa muhuroyi kana kuti musatanism.

Tinotumirwawo mashoko ekuti dzingai mwana iyeye pamba muchamushaya,” vanodaro Mai Chiengerere.

Vanoti mwana uyu akatsva makumbo zvinoshamisa nemoto wemasaramusi uyu apo pakazotumirwawo mashoko ekuti zvinhu izvi ndizvo zvakamupisa.

“Ndakashaya power bank rangu mashoko akauya panhare yangu kuti ‘Ndisu taitora’. Mwana uyu mashoko ekunzi ndiye ari kukonzera moto uyu akasvika munzeve dzake zvinova zviri kumubata zvikuru, inova nyaya yakamboita kuti atize kuenda kumusha kwavo

kuMhondoro,” vanodaro Mai Chiengerere.

Mhuri iyi inoti haina kana chinhu nekuda kwemoto uyu uyewo havasisina mbatya dzekupfeka, kusanganisira magumbeze.

“Hatisisina kana chinhu mukurarama kwedu, zvose zvakapera kutsva. Nemurume, takapotsa tarambana nekuda kwenyaya iyi. Isu hatina chatakabata nemurume wangu, zvinonzi zvinobva kuhama dzepadyo avo vanoda kuti mumwe wevana vangu vaviri aite

muroyi nekumupinza musatanism,” vanodaro Mai Chiengerere.

Vanoti mwana wavo ari kunongedzwa mudambudziko iri anoti anorota achisangana nenyoka.

“Mwana wangu uyu akanyora bvunzo dzeForm 4, asati atora zvakabuda, munhare mangu makauya mashoko ekuti hakuna chaakabuda nacho nekuti muri kurambira naye kuti auye kwatiri. Ndinoda kubatsirwa kubva mudambudziko iri,” vanodaro Mai

Chiengerere.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×