Mudzimai (45) asungwa ahaiwa kuzviita muroyi

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 45 okuberekwa wekudhorobha reKwekwe anonzi akabhadharwa mari nemumwe muporofita ane mbiri munzvimbo iyi kuti anozviita muroyi pasowe rake nechinangwa chekuti aite mukurumbira izvo zvakazoona vaviri ava vachisungwa vose nekuda kwemhosva yekukonzera kusagadzikana kwezvinhu kuruzhinji munharaunda.

Vakasungwa ava ndiMadzibaba Heavynisher, uyo zita rake chairo achinzi Brighton Muroyi (19), naRevai Kweza (45) wekuzviita muroyi anobva kuMkoba 18, kuGweru.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri  wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti nemusi wa17 Kukadzi gore rino nenguva dza8 mangwanani, Kweza akawanikwa akagara mukati meimwe imba yekuMbizo Phase 3 kuKwekwe iyo yaiva yakakiiwa gedhi uyewo gonhi racho rakakiiwa zvekare.

“Imba yakawanikwa mudzimai uyu iri padyo nenzvimbo inonamatirwa yesowe rechechi yeJohane Masowe eChishanu rinova raMadzibaba Heavynisher. Mudzimai uyu aiva akapfeka skin tight nhema, bhodhi nhema

uyewo nedhuku dema zvakare. Mhomho yevanhu vakaungana mushure mekunzwa kuti panzvimbo iyi paiva paonekwa muroyi apo mapurisa eZRP Mbizo vakabva vashevedzwa kuzofeya nyaya iyi nekuparadza vanhu vaiva vaungana,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mukufeyewa kwenyaya iyi, Kweza akazodura kuti aiva aronga naMadzibaba Heavynisher kuti anyepere kuva muroyi nechinangwa chekuti muporofita uyu aite mukurumbira pasowe rake.

“Mapurisa mukufeya nyaya iyi, vakazotora nhare yaRevai Kweza vakaona mashoko muWhatsApp avaitaurirana nemuporofita uyu Madzibaba Heavynisher mukuronga nekuzobhadharana uko vaizoita,” vanodaro Insp Mahoko.

“Madzibaba Heavynisher, Brighton Muroyi, naRevai Kweza vakamirira kuzoendeswa kumatare edzimhosva nekuda kwemhosva yekukonzera kusagadzikana kwezvinhu munzvimbo iyo inonzi muchirungu ‘public nuisance’. Tinoyambira ruzhinji kuti vashandise maoko nekuzvishandira mukutsvaga mari kwete kuita chikiribidi nemabhidhiri. Tinokurudzirawo veruzhinji kuti kana vachida kunoshandirwa nemaporofita akasiyana, vatange vatsvaga mashoko azere nemashandiro avo kubva kune vamwe kana kuti masangano anomirira vanachiremba vechivanhu  nekuti vazhinji vacho vanoshandisa chitsotsi nehuguruvhani mubasa ravo vachibira vanhu mari nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro Insp Mahoko.

“Nyaya yedu hombe ndeyekuti vanhu ngavangwarire kana vachimhanyira kumasowe emaporofita akasiyana nekuti zvizhinji zvavanowana ikoko inhema. Madzimai nevasikana vari kubatwa chibharo ikoko. Tinonzwa vamwe vanonzi vanokanda nyoka, zvikwambo nenyanga dzemanyepo mudzimba dzevanhu nekupihwa zviporofita zvenhema saka ngatingwarirei maporofita aya.”

Nyaya yakafanana neiyi yakambotora nzvimbo makore adarika kuBudiriro muguta reHarare apo mamwe madzimai maviri vakanozviita varoyi pane rimwe sowe vakazoguma vasungwa vakaendeswa kujeri nekumatare edzimhosva.

Related Posts

Mudzimai (27) opika mwedzi 8 mujeri nekuda kweshanje . . . akapamba vasikana 2 achivapomera kudanana nemurume wake

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wemubhuku raNechiva kuDema, kwaSeke – Noreen Mandevane (27) – akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere izere mushure mekubatwa nemhosva yekupamba vasikana vaviri uye ndokuvatorera nharembozha dzavo achiti vanodanana…

Varidzi ve‘brewery’ inobika doro zvisiri pamutemo vasungwa

Raymond Jaravaza MAPURISA ekuBulawayo akasunga mumwe murume nemukadzi nemhosva yekubika doro rinonyanya kuzivikanwa nekunzi ‘njengu’ pamuzinda wavo uyo usina kunyoreswa zviri pamutemo pakati peguta iri. Murume nemukadzi uyu vakavharirwa mutirongo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×