Mudzimai arikita ‘maid’ achiti anodanana nemurume wake

Sinokubonga Nkala

MUDZIMAI ane makore 31 okuberekwa wekuMbizo, kuKwekwe akazvakatsa musikana webasa remumba nezvibhakera pamwechete netambo yemagetsi achimupomera kudanana nemurume wake.

Muchinyorwa, National Prosecuting Authority of Zimbabwe (NPAZ) inoti Hazvinei Tswangira akamiswa mudare reKwekwe Magistrates’ Court nemhosva yekurova munhu.

“Nemusi wa26 Ndira 2025, Hazvinei Tswangira akarova zvakaipisisa musikana wake webasa remumba kumeso nepabendekete rekudivi rekurudyi achishandisa zvibhakera netambo dzemagetsi. Nyaya iyi yakazomhan’arwa zvakaita kuti Tswangira asungwe,” inodaro NPAZ.

Tswangira akatemerwa chirango chekubhadhara faindi yeUS$250 uye kukundikana kwake kubvisa mari iyi achagara mujeri kwemazuva 60.

Pamusoro pezvo, akatemerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu iyo yakazosendekwa yose parutivi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *