Chakachaya paBabourfields…Highlanders, Dynamos tiba!…CAPS yorwa neChicken Inn

Abel Ndooka
KUCHANGE kusingadanwe anonzwa nemusi weSvondo kuBabourfields Stadium, kuBulawayo, apo pachatambwa mitambo yeNetOne Easy Call Cup semi-finals. Zvichitevera kupera kwakaita mitambo yePremier Soccer League svondo radarika, nzira dzose dziri kunanga kuBabourfields uko kuchaona Chicken Inn, shasha yePSL gore rino, ichitapfurana neCAPS United mumutambo wekutanga.
Mumutambo wechipiri, Highlanders ichakweshana neDynamos.

Mitambo iyi ichange isiri nyore nekuti zvikwata zvose zvine hukasha hwekuda kutora mukombe uyu.

CHICKEN INN vs CAPS:
Murairidzi weCAPS United, Lloyd Chitembwe, svondo radarika akati zvikwata zvose zvinokwikwidza muPSL zvinofanirwa kuyemura basa rakabatwa neChicken Inn mwaka uno izvo zvakaiona ichitora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.
Chitembwe anoti hazvisi nyore kutora mukombe wePSL uye ndokuvedzera achiti maGamecocks, zita remadunhurirwa reChicken Inn, akange akarongeka zvikuru.

Anoti kukunda kweChicken Inn kunoratidza kuti nhabvu yemuno yakasimba uye zvikwata zvose zvine mukana wekubudirira.
Kunyangwe zvazvo achiti Chicken Inn yakarwa imire muPSL, Chitembwe anoti svondo rino vachairadzika pasi sezvo vari kuda chaizvo kuhwina mukombe weNetOne Easy Call Cup.

“Chicken Inn yakabata basa rinonwisa mvura muPSL uye tinofanirwa kuzviyemura.
“Hazvisi nyore kuhwina mukombe wePSL, zvinotoda hushingi uye maGamecocks akazviratidza kuti ange akarongeka zvikuru mwaka uno.
“Tinovarumbidza nebasa ravakabata asi isu tiri kuda kuhwina mukombe weEasy Call Cup uye tichatorwa semvumba kuti tiuhwine,” anodaro Chitembwe.

Kepe-kepe yakakunda Hwange FC 3-1 muquarter-final yeEasy Call Cup.
MaGamecocks akakundawo ZPC Kariba 4-3 kumapena muquarter-final mushure mekunge mutambo wezvikwata zviviri izvi wapera uri mangange 0-0.

HIGHLANDERS vs DYNAMOS:
Mitambo yezvikwata zviviri izvi inozivikanwa nevazhinji nekuti “The Battle of Zimbabwe” kana kuti “The Zimbabwe Derby” uye yakawanda yacho inenge iri yekurwira mukombe wePSL.

DeMbare, iyo iri kurairidzwa naTonderayi Ndiraya, svondo rino iri kunanga kuBulawayo iine hukasha hukuru nekuti yakabatiswa pasi mwaka uno muPSL neChicken Inn apo yaitarisirwa kutora mukombe kechishanu mumakore akatevedzana.
Bosso, iyo iri kurairidzwa naAmin Soma-Phiri, ine gomo guru rekukwira apo ichasangana neDeMbare.
Highlanders yakakunda FC Platinum 1-0 kuti ipinde musemi-final ukuwo Dynamos ndokukunda How Mine 1-0.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×