Munetsi ari mudenga rechinomwe

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors – Marshall Munetsi – akatevera matsimba aBenjani Mwaruwari kuita wechipiri muZimbabwe kutengwa kubva kuchikwata chekuFrance achienda kuEngland muhwindo rekutengesa vatambi munaNdira.

Zvichitevera kutengwa kwaakaitwa neWolverhampton Wanderers musi weMuvhuro uno nemari inosvika 20 miriyoni puanzi, Munetsi akabva avewo mutambi wenhabvu wekutanga kubva muZimbabwe atengwa mari yakawanda kudarika vamwe vese.

Mwaruwari akatengwa nechikwata chePortsmouth munaNdira mugore ra2006 apo chikwata ichi chairairidzwa naHarry Redknapp ndokubatsira Pompey kuti isaburitswe muEnglish Premier League.

Zvimwechetezvo naMunetsi – uyo ange achitamba nhabvu inonwisa mvura kuStade de Reims yekuFrance – akatengwa neWolves kuti agobatsira chikwata ichi icho  change chiri kutatarika zvikuru mwaka uno muEnglish Premier League.

Wolves yakatodzinga Gary O’Neil basa sezvo chikwata ichi change chisiri kutamba zvinogutsa ndokumutsiva naVitor Pereira uyo akazotenga Munetsi.

Achitaura achangobva kutengwa neWolves, Munetsi anoti: “Zvishuviro zvangu zvazadzikiswa. Ndagara ndaida chaizvo kuve pakati pechinhu chikuru, saka kuve kuWolves chinhu chikuru kwandiri nemhuri yangu. Chikwata chandaiona nekure uye Premier League inzvimbo huru yekutambira nhabvu, saka ndiri kufara kuve kumhuri ino, kuve kuchikwata chino.”

Munetsi akatambira Reims kwemwaka mitanhatu akakwanisa kunwisa ka21 mumitambo 148 yeFrench Ligue 1.

Anogona kutamba mutambo wake wekutanga kuchikwata chake chitsva musi weSvondo uno apo Wolves iri kuenda kuEwood Park kuBlackburn kunotamba neBlackburn Rovers mumutambo weEnglish FA Cup.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×