Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 28 okuberekwa wekuWestern Triangle kuHighfield, muHarare akasungwa nemapurisa kuMasvingo mushure mekuwanikwa aine sutukesi izere mbanje iyo yairema 10 kgs iri mumotokari yake.
Kelvin Chiyangwa akawanikwa aine mbanje iyi pachinhambwe chemakiromita 151 mumugwagwa weMasvingo-Beitbridge.
Inspector Kudakwashe Dhewa vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo vanoti nemusi wa17 Kukadzi nenguva dza3 masikati, mapurisa aifamba nemotokari yavo vari pabasa mumugwagwa uyu apo vakamisa motokari yerudzi rweToyota Regius umo maiva naChiyangwa.
“Mapurisa akasecha motokari iyi ndokuwanikwa monarch yebrown yaiva yakamoneredzwa nekuputirwa nemapepa emapurasitiki iyo yaiva yaKelvin Chiyangwa, yakavhurwa ndokuwanikwa izere mbanje mukati mayo,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti Chiyangwa akabvunzwa nezvembanje iyi nesutukesi yacho, akabvuma kuti zvaiva zvake.
“Murume uyu akabva asungwa ipapo mbanje iyi yairema 10,5 kgs. Kelvin Chiyangwa akaendeswa muchitokisi nyaya yake ichifambira mberi nekufeewa. Anotarisirwa kupinda kumatare edzimhosva nekutyora chikamu che157 chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.
Zvakadai, mapurisa ari kukurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekutora kana kutengesa zvinodhaka zvakaita sembanje.
“Tinotenda veruzhinji nekutibatsira nemashoko anoita kuti tikwanise kusunga vanotengesa zvinodhaka,” vanodaro Insp Dhewa.
Kune vanoda kupa mashoko kumapurisa emhosva dzakasiyana kuMasvingo, vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 26339226441 kana 0775 996 945.




