Murume anogara mumigwagwa apondwa nezidombo

Muchaneta Chimuka

MURUME anogara mumigwagwa mudhorobha reGweru akawanikwa akafa mushure mekupwanywa musoro nezidombo akarara pavheranda rechimwe chitoro nomusi weMuvhuro svondo rino.

Izvi zvakaitika pavheranda rechimwe chitoro chiri mumugwagwa 8th Street mudhorobha reGweru usiku.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Mushakabvu munyaya iyi ndiForget Nsingo uyo makore ake okuberekwa asingazivikanwe. Murume uyu anonzi akanga asina pekugara pakati tsvetere nokudaro aigara pakati pedhorobha reGweru nemhuri yake inosanganisira mudzimai wake, Rufaro Savanhu (22), nevana vaviri vanoti ane makore mana neane matatu okuberekwa. Mapurisa akaenda kunoita ongororo panzvimbo iyi.

“Vakasvikoona kuti mutumbi wake wakanga uri mudivi reropa, rutivi rworuboshwe rwemusoro rwakanga rwakabhovhokera mukati uye zidombo rinofungidzirwa kuti ndiro rakashandisa pakumutema rakanga rakazara ropa. Dombo iri, iro rinorema makirogiramu mashanu, rakawanikwa riri pedyo nemusoro wake,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti ongororo yakaitwa nemapurisa yakaratidza kuti munguva yehusiku, mushakabvu uyu akanetsana neshamwari yake yaainwa nayo doro iyo yaingozivikanwa saTerrence. Shamwari iyi inofungidzirwa kuti inogarawo mumigwagwa mudhorobha iri.

Mushakabvu uyu anonzi akazobatana nemhuri yake yainge yakarara pavheranda rechitoro ichi asi mudzimai wake akazoshamisika apo akazomuka ndokuwana murume wake akafa mangwanani ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Insp Mahoko vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga.

“Tiri kukumbirawo kune veruzhinji vangave neruzivo maringe nefiro yakaita murume uyu kuti vazivise mapurisa eZRP Gweru Central kana mamwe ari padyo navo kuitira kuti tikwanise kubata mupari wemhosva uyu nenguva. Tinoramba tichishora nyaya dzekuda kupedza mhirizhonga nekurwisana nekuti zhinji dzacho dzine makuva mukati. Tinokurudzira nhaurirano yakanaka munharaunda uye kuti vanhu vatsvake vayananisi pavanotadza kunzwisisana,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *