Murume aponda mudzimai wake anove murwere wepfungwa . . . anoti ange achimunetsa

Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaSadza kuChikomba mudunhu reMashonaland East anonzi akaponda mudzimai wake airwara nepfungwa mushure mekumurova neshamu mumusoro akamusungirira pamuti achiti ari kumunetsa.

Mudzimai uyu, Priviledge Hunzvi, anonzi aiva munhu aitozivikanwa kuti anorwara nepfungwa uye pane magwaro ekwachiremba anoratidza izvi.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonand East, Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Priviledge aizivikanwa kuti anorwara nepfungwa uye ainge ane hasha dzakanyanya kana vanhu vachinge vanetsana naye. Nomusi wa1 mwedzi uno kuma1 husiku, mapurisa eZimbabwe Republic Police kwaSadza akatambira mashoko ekuti mudzimai uyu ainge angoerekana afa kubva kuna Brian Hunzvi (35) anova hanzvadzi yemufi anogara kuChiminya kwaSabhuku Kwenda kwaMambo Neshangwe, kwaSadza. Rufu urwu rwainzi rwainge rwaitika nomusi wa31 Gumiguru ari pamba pake,” vanodaro.

Insp Chazovachii vanoti mapurisa akabva aenda kunzvimbo iyi kunoita ongororo.

“Zvinonzi pazuva iri husiku, Priviledge Hunzvi nemurume wake vakaenda kunorara muimba yavo yehuswa. Asi Priviledge anonzi akazongotiza mumba muye achienda kumba kwemunin’ina wemurume wake anonzi Penias Mamvura Mutumiri (70) anova anogara munharaunda imwechete iyi. Musungwa anonzi akabva amutsa vanakomana vake vaviri kuti vatevere amai vavo asi vana ava pavakasvika pamba paPenias vanonzi vakasvikotaurirwa kuti amai vavo vainge vatopihwa kudya kwemanheru,” vanodaro.

Insp Chazovachii vanoti musungwa uyu akaedza kubatsirana nevana vake kuti vadzokere kumba naPriviledge asi vakakundikana achibva atanga kutiza uye vakazobatsirwa naPenias kumubata ndokuenda naye kumba.

“Vasvika kumba, vakabva vamusunga maoko nemakumbo netambo kuti asapfakanyika. Penias akabva adzokera kumba kwake. Husiku humwechete uhwu, Priviledge akabva akwanisa kuzvisunungura achibva aedza kuvhura musuwo. Murume wake akaedza kumurambidza kuita izvi asi akatanga kuita hasha. Akabva amutsa vana vake vaviri zvakare kuti vamusungirire pamuti,” vanodaro Insp Chazovachii.

Vanoti nomusi wa31 Gumiguru kuma1 mambakwedza, Priviledge anonzi akazvisunungura maoko achibva aedza kuvhura musuwo wainge wakakiiwa nechemukati asi akakundikana. Murume wake anonzi akabva abatsirwa zvakare nevana vake kumusunga makumbo nemaoko.

Murume wake anonzi akazouya neshamhu achibva atanga kumurova mumusoro kakawanda asi aedzawo kuvhika kurohwa uku nemaoko ake ayo ainge asungwa netambo.

“Mushure mekurohwa uku, Priviledge akazobatwa nehope ari mumba uye pazuva rimwechete iri mangwanani akakumbira kuti ange achisunungurwa achiti akanga ava nenzara achibva apihwa sadza asi akakundikana kuridya ega. Akakumbira kudya kwakareruka achibva apihwa mahewu aakanwa achibva arara. Mudzimai uyu akabva asiiwa ari ega mumba muye asi ave masikati murume wake akapinda mumba umu achibva aona kuti ainge atofa,” vanodaro Insp Chazovachii.

Akabva ashevedza vanakomana vake vaviri nemuvakidzani anonzi Tauya Mutero (56) kuti vazoita muonerapamwe.

Murume uyu akamirira kuuya kwemuni’ina wake, Penias, uyo ainge aenda kuzvitoro zvekwaMutekedza anova akazodzoka manheru kuti vazoenda kunozivisa vanatezvera vavo.

“Penias akaenda kumusha kwakaberekwa mushakabvu uyu kwaChiminya kwaSabhuku Kwenda kwaMambo Neshangwe kwaSadza akabata US$5 yekunovasuma nezverufu urwu asi yakasvikorambwa apo vanatezvara vaiti vanoda mari yakawanda. Husiku humwechete uhu, vanatezvara vakaenda kumba kwemukwasha wavo uko kwakanomuka gakava. Nomusi wa1 mwedzi uno masikati, vakabva vafonera mapurisa epaZRP Sadza vachimhan’ara nyaya iyi,” vanodaro Insp Chazovachii.

Matikitivha eZRP Sadza akaenda panzvimbo vakaferefeta nezvenyaya iyi zvakaita kuti vasunge murume wemushakabvu nemhosva yehumhondi. Shamhu dzaakashandisa mukurova mudzimai wake dzakatorwa uye dzichabuditswa mudare seumbowo.

Mutumbi wemudzimai uyu wakaendeswa kumochari yeSadza District Hospital uko wakanovhenekwa ukaonekwa kuti musoro waive wakazvimba zvakanyanya uine mavanga, kusanganisira maoko nepaziso rekurudyi.

“Mapurisa akaona kuti firo yemudzimai uyu yainge isina kuti tsvetere saka murume wake akabva asungwa akavhurirwa magwaro ehusungwa ane nhamba dzinoti DB 144/25. Ongororo yenyaya iyi ichiri kuenderera mberi,” vanodaro Insp Chazovachii.
Vnoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutora mutemo vachiisa mumaoko avo uye kuti kana paita kusanzwisisana ngavatsvage vayananisi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×