Muchaneta Chimuka
POSTAL and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (POTRAZ) yakapa mawiricheya emhando yepamusoro gumi nemashanu anokosha US$10 000 kuvana vakaremara vepaSt Giles Rehabilitation Centre, muHarare, nomusi weMuvhuro svondo rino.
Zvekufambisa izvi zvakatengwa kuburikidza nemari yakaunganidzwa nekambani iyi nevamwe vatsigiri pamutambo wegorofu wakaitwa gore rino unodaidzwa kuti Director-General’s Annual Charity Golf Day.
Mutambo wakadai unoitwa nevePOTRAZ gore negore senzira yekubatsira vanotambudzika munharaunda.
Vachitaura pakugashidzwa kwerubatsiro urwu, Dr Gift Machengete, vanove director-general wePOTRAZ, vanoti ibasa ravo kubatsirana nevanhu vanonetseka munharaunda, zvikuru sei vakaremara, kuti vawane zvinovabatsira mukufamba zvakanaka.
“Vanhu vakaremara mitezo vane kodzero dzakangofanana nedzevanhu vasina kuremara, nokudaro ikodzero yavo kuti vawanikwe vachizvifambira voga, vachiita mabasa avo, kungave kuenda kuchikoro, kuchipatara kana kunoitiswa mitambo inosimbisa miviri.
Rubatsiro rwemawiricheya urwu tinovimba kuti rwuchavasunungura kuti vave nemufaro mukuru muraramo yavo, inove shuviro yedu huru,” vanodaro.
Vachitora mashoko euchenjeri kubva kune aimbove mutambi mukuru wetsiva, Muhammad Ali, apo anoti “Kubatsira vamwe panyika ndiyo nhaka huru youpenyu”, vanoti vanoona zvakakosha kuti kambani yavo irambe ichiita mabasa etsitsi nekudzorera kunharaunda idzo vanodyidzana nadzo.
“Nhasi tapa vana vakaremara mawiricheya gumi nemashanu, inova tarisiro yedu kuti acharerutsa raramo yavo. Takaronga mutambo wePOTRAZ Charity Golf Tournament, unova watinoita gore negore kuti tibatsire vanotambura, shungu dziri dzekusandura raramo yevoruzhinji munyika,” vanodaro.
VaMachengete vakatenda makambani nemapoka akaita seZimpapers, Econet Wireless, TelOne, Liquid, Zimpost, Powertel, Aura Group neUniversity of Zimbabwe nokuda kwerutsigiro rwavo.



