‘Musamhanye kusaina kondirakiti’

Abel Ndooka

KAMBANI inomirira vatambi vemitambo yakasiyana yeSafel Insurance inoti zvakakosha zvikuru kuti vasangomhanya kusaina makondirakiti avanenge vapihwa kunze kwenyika vasina ruzivo rwuzere pamusoro pawo sezvo vamwe vavo vari kupedzisira vambunyikidzwa.

Marketing manager weSafel Insurance, Tanaka Muradzi, anoti kune vamwe vatambi vari kuzochema apo vanenge vave kunze kwenyika mushure mekuona kuti zvinenge zvoitika handizvo zvavanenge vakavimbiswa.

“Tinoona vatambi vakawanda vachimhanya kuenda kunze kwenyika vachifunga kuti vawana pundutso asi pavanozodzoka vanenge vari mawoko chete pasina chisvinu chavanenge vanacho. Saka isu tiri kuti sekambani huyai tikumirirei muwaniswe zvakakodzera zvinoenderana nemabasa enyu amunenge muchiita.

“Kuve mutambi wenhabvu, rugby, cricket kana wekumhanya mujaho chaiwo unogona kunzi handei kunze kwenyika asi mumwe munhu akuendesa okudyira mari yese iwe wosara usina kana zuda chairo. Hazvina kunaka chose saka tsvagai vanokumirirai kuti musasangane nematambudziko aya,” anodaro Muradzi.

Parizvino kambani iyi inoti iri kumirira vatambi vanosanganisira veBlack Rhinos Queens nevemimwe mitambo.

Muradzi anoti kune vamwe vanhukadzi vanoita mitambo yakasiyana vari kubatirirwa mubasa ravo.

“Isu pari zvino tiri kushanda nemadzimai tichivamirira kuti basa ravo rifambe zvakanaka, vasambunyikidzwe, vapihwe zvinokodzera nebasa ravo ravanenge vachiita,” anodaro Muradzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *