Janet Chikotosa
MUMWE mukadzi anoti murume wake akamboedza kumuuraya nekumuvhara mhuno kuitira kuti atadze kufema mushure mekunge atengesa mombe yavo nechinangwa chekuti mhuri iwane mari yechouviri.
Fiona Murisa akamhan’arira Calisto Masango kuHarare Civil Court achiti ari kugara akabatira hura mumawoko nekutya kuuraiwa uye anorohwa nguva nenguva.
“Murume uyu anondishaisa mufaro nekundirova pamberi pevanhu uye nekundituka kuti ndiri muroyi.
“Anogara achitaura mashoko ekuda kundiuraya saka ndave kutotya kugara naye nokuti hazvizivikanwe kuti unobatirwa papi.
“Akamboedza kundiuraya mushure mekunge ndatengesa mombe yedu ndichida kuti vana vagobatsirikana apo akandivhara mhuno kuti nditadze kufema. Ndakazoponera kumba kwevabereki vangu uko kwandiri kugara,” akadaro.
Murisa akati vana vavo vanoita kunge nherera ivo baba vacho varipo.
“Vana voita kunge nherera ivo baba vari vapenyu. Haatengeri vana nhumbi nezvekudya. Handidi kuti atore vana nokuti akavatora anorambidza hama dzangu kushanya dzichiona vana.
“Ngaaregedze zvake kusvika pamba pangu pandinogara nokuti anokonzera mhirizhonga. Murume wangu mupurisa ende vanhu vanoziva nezvemitemo asi ndinoshaya kuti anoitirei hunhu hunonyadzisa kudaro,” akadaro.
Masango haana kupikisana nemashoko aMurisa achiti akamurova sezvo akange asina ruremekedzo naye semurume wake.
“Mukadzi uyu anouya kubasa kwangu achipopota pamberi pevakuru vebasa nemashoko anonyadzisira.
“Haangandirambidze kuti nditore vana vangu, ndine kodzero sababa,” akadaro Masango.
Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Murisa gwaro redziviriro.




