Mwana haadi kuona maroja

Janet Chikotosa
MWANAKOMA ane katsika kekudzinga maroja pamba zvisina tsarukano apo amai vake vanenge vasingazvizive akazogadzwa dare.

Getrude Muriravanhu akamhan’arira Allois Muriravanhu kuHarare Civil Court achiti anodzinga maroja pamba pake.

“Mwana wangu uyu anoita basa rekushungurudza vanhu vanogara pamba pangu achiti vabve. Pamba apa ndipo pandinowanawo mari yekubatsirikana nayo.

“Ndinoshaya kuti anotsvagei kumba ikoko iye achigara kumba kwasekuru kwaakanzi achengete. Kombi yangu iyo yandaiti ndiyo inondipa mari akaitora achiishandisa akasvika pakuiuraya. Haandione saamai vake nokuti ndikamutsiura haatereri.

“Mwana wangu ndinomubvumira kuti aende kunogara kuGlen View uko kune imwe imba yangu asi anoramba achingouya achindinetsa kwandiri kuHighfield,” akadaro Getrude.

Allois akati amai vake vari kumudzinga pamba paakasiiwa nababa vake.

“Amai zvose zvavari kutaura manyepo nokuti pavari kundidzinga ndipo pamusha pandakasiiwa nababa vangu ndichigara vachiri vapenyu. Vanoda kuti ndibve pamusha wababa vangu handizive kuti vanoda kuti ndigare kupi sezvo ndisingashande basa rine mari yakawanda.

“Chandinongoda kuna amai kuti vandibvumidzewo kugara pamba semwana wawo, handikwanise kugara kuGlen View nokuti mari yekuzoshandisa kukwira makombi kuenda kubasa handina,” akadaro Allois.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Getrude gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane mune zvakanaka pane zvinenge zvichinetsa.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×