‘Wakandisota kuti ndisazvare’

Sandy Musungata
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achinzi anomushungurudza, akati mudzimai uyu akamusunga nemushonga kuti atadze kusasana nemamwe madzimai.

Mandidadavira Zhangazha akamhan’arira Joseph Makiyi kuHarare Civil Court achiti ane katsika kekumurova pamwe nekumutyisidzira nerufu. Akaudza mutondi wedare iri Marehwanazvo Gofa kuti: “Changamire, murume wangu anonditukirira kuti ndiri muroyi.

“Anogara achinditi ndinoda kukuuraya saka ndinoda kukutema nedemo nekuti uri muroyi asi haana musi waakambondiona ndichiroya. Iko zvino ndiri kutamba nhamo nekuti akandidzinga pamba nevana.

“Anonditi zvakare ndakamusunga nemushonga kuti asakwanise kuita bonde nevamwe vakadzi asika, handizvizive uye iye anenge achida kuita bonde racho nani ini ndiripo? Uku kureva kuti haasi munhu anofamba zvakanaka.”

Makiyi akaramba zvaaipomerwa nemudzimai wake achiti nyaya yavari kunetserana bedzi ndeyekuti akamusunga nemushonga yechivanhu kuti asakwanisa kushereketa nemamwe madzimai.

“Amai ava ndakanga ndisingachavadi saka ivo vakaramba kurambwa zvekuti tinongogarawo hedu asi wanano chaiyo hapasisina. Chavakazokwanisa kuita kundisunga nemishonga yechivanhu.

“Iyi inyaya yakanetsa kusvika taenda kumaporofita uko kwaakanobvuma kuti ndozvaakandiita ndokubva ndapihwawo zvekunwa kuti ndisunungurwe asi nanhasi hazvisati zvaita.

“Kuvarova nekutuka inyaya dzemanyepo handina kumbobvira ndazviita. Ndakangomuti unobata-bata mushure mekunge tabva kumaporofita abvuma nyaya yake asi chava kunetsa haachagone kundipinginura.

“Zvekuti ndakamudzinga pamba manyepo, akangosunga mikwende yake ndokutiza,” akadaro Makiyi.

Mutongi Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Zhangazha.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *