Mwanakomana (18) afa aona ‘mapere’ husiku

Kingstone Mapupu

MWANAKOMANA ane makore 18 ekuberekwa wemumusha waSabhuku Rubatika Zimunhu kuDema mudunhu raMambo Seke anonzi akafa mushure mekushanyirwa nevaroyi usiku aenda kunochengeta pamba pemuvakidzani apo anonzi akaona mapere iye ndokufungidzira kuti dzaiva imbwa.

Nyaya iyi yakasiya vagari venzvimbo iyi vasina mate mukanwa uye yakaitika nguva pfupi yadarika.

Zvinonzi mushure mekuvigwa kwemutumbi wemwana uyu, kune imbwa nhanhatu chena dzakazowanikwa dzichirwa pamusoro peguva iri mambakwedza nguva dzekuma5.

Imbwa idzi dzinonzi dzaiumburudzana nekumhanyisana dzichitenderera paguva iri.

Dzinonzi dzakazobva dzava kuita mudungwe dzakananga nekumabvazuva.

Mushure mezvo, kwakazouya dzimwe imbwa mbiri hombe nediki apo huru  yakasvikogara kumusoro kweguva, diki yacho ndokutanga kutenderera paguva iri.

Akashaika uyu ainzi Kudakwamwari Mpofu (18) aigara naamaiguru vake, Mai Gladness Mabukwa (37), sezvo amai vake, Juliet Mabukwa (36), vaiva kubasa kwavaishanda.

Mai Artdreta Mabukwa (35), vanova amainini vaMpofu, vanoti mumwe mudzimai anova muvakidzani wavo akataura nemukomana uyu oga achimukumbira kuti azosara akamuchengetera pamba pake apo anonzi akati aida kuenda kuSouth Africa.

“Vawirirana kudaro nemwana mukomana uyu, akaenda ndokunorara kumba kwaamai ava kwemazuva matatu. Zuva rechitatu iri, akazonzwa imbwa kuhukura panze achibva abuda kuma1 mambakwedza ndokuona imbwa achibva adzokera mumba. Achitaura, anoti adzokera mumba akabva atanga kubaiwa mumaziso nekurwadziwa nemusoro zvakanyanya nekunzwa dzungu achiona madzengerere.  Ipapo rimwe ziso rakabva ravharika ava kutadza kuona razvimba kuita semunhu akanga arohwa,” vanodaro Mai Artdreta Mabukwa.

Vanoti rechimangwana racho, Mpofu akazivisa dzimwe hama dzemudzimai anove muridza wemba zvakange zvaitika.

Mudzimai uyu akazoridzirwa nhare ndokutaura kuti aiva kuGwanda uko akabva azodzoka.

“Takatakura mwana kuenda naye kuchipatara cheKunaka Hospital akazodarikidzwa kuChitungwiza Central Hospital uko akashaika muzuva rechitatu.

“Mudzimai anove muridzi wepamba paichengetwa naMpofu akazotaurawo kuti pamba apa paisagarika sezvo achiti ainzwa vanhu usiku vaitamba bhora pachivanze nepamusoro pemba.

“Anotiwo pamba apa paigara pachichema katsi nevana vacheche asi  vaisaonekwa,” vanodaro Mai Artdreta Mabukwa.

Vanoti Mpofu asati afa, semhuri vakafamba kumaporofita anokwana kuita matatu vakataurirwa kuti aiva arohwa nezvidhoma kana kuti zvitokoloshi.

“Takanzi mwana uyu paakabuda panze, zvaakaona sembwa dzaisava imbwa asi kuti mapere aiva amushanyira akataswa nevaroyi. Takangonzi taiva tatangirwa paupenyu hwemwana uyu,” vanodaro Mai Artdreta Mabukwa.

Mai Gladness Mabukwa vanoti mushure mekuviga mutumbi waMpofu, vakazomukira rechimangwana racho semhuri ndokunowana pamusoro peguva nenzvimnbo yose pakazara matsimba akaita seembwa kana kuti emapere.

“Tiripo tichishushikana, pakazouya vamwe amai vane musha uri padyo nepamakuva vakati vaiva vamutswa nembwa kuma5 mangwanani vakaona imbwa nhanhatu chena dzichirwa pamusoro peguva iri. Vanoti imbwa idzi dzakazobva dzakaita mudungwe dzakananga nekumabvazuva.

Vanotiwo kwakazouya zvakare dzimwe imbwa mbiri hombe nediki vakadziona dzichitenderera, hombe yacho ndokugara kumusoro kweguva,” vanodaro Mai Gladness Mabukwa.

Vanoti mudzimai uyu akati imbwa mbiri dzakauya pekupedzisira idzi, dzakazoenda nekumadokero nemugwagwa wakanga waunzwa nawo nechitunha kumakuva.

“Semhuri takazofamba kunobvunzira mashura ose aya tikataurirwa kuti imbwa idzi dzaionekwa dzaisava imbwa asi kutsipika mweya wemwana uyu kwaiitwa nevanhu vakamuuraya avo vakanzi vanokwana vanomwe vemunzvimbo iyi,” vanodaro Mai Gladness Mabukwa.

Vanoti nekuda kwezvakaitika izvi, kubvira mafiro aMpofu nezvakazoitika kumakuva havazive kuti mutumbi wake uchirimo here muguva.

Sabhuku Rubatika, VaIsaac Rubatika (61), vanoti vakashamiswa zvakanyanya nekurwadziwa nerufu rwemuzukuru wavo

“Muzukuru wangu akafira hutandazi, chokwadi muno mawanda varoyi. Hatichaziva kuti toita sei. Tinoda kubatsirwa nevanhu vanogona kuti tidzosere mweya wemwana uyu unorwa woga.

Amai vane pamba paiva panochengetwa nemwana uyu vakabva vatama sezvo vaitochengetawo pamba apa,” vanodaro Sabhuku Rubatika.

Mai Rossa Musa (52) vane pamba paichengetwa naMpofu, vanoti itsaona yakangoitikawo izvo vaisatarisira.

“Hongu, mwana ndakamutora kuti achengete pamba akazosanganawo netsaona.

Ndakazoripiswa US$300 nevabereki vemwana uyu vachiti ndaisafanirwa kutaura naye ndega paakazochengeta kumba kwangu.  Asi pamba apa ndakatama,” vanodaro Mai Musa.

Vamwewo vehukama vakazotaurwa navo nekuda kwemafiro akaita Mpofu vanosanganisira Joackim Mabukwa (36), Samuel Chikava (49) naJuliet Mabukwa (36).

Vose ava vanoti havana neremuromo nefiro yaakaita.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×