Anofushira baba vapenyu nendove . . . Ovabvarurira mabhurugwa . . . Vana vavo vasikana varipo

Yvonne Chidochashe Manyanja
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati mwana wake anomushungurudza zvakanyanya uye akambomufushira katatu kose mumanyowa emombe pamwe nekumubvarura bhurukwa rake akasara akashama pamberi pevanasikana vake.

Kupakunesu Mupfupi akataura mashoko aya kumutongi wedare reHarare Civil Court, Marehwanazvo Gofa, apo akamhan’arira Themba Muvirimi achiti ari kumushaisa rugare. Mupfupi akaudza dare kuti: “Changamire, wangu mwana uyu akandituka pamwe nekundirova. Akaisa ndove muziso mangu iye zvino nekupisa kwayo handichaoni uye akatombondifushira rutatu nendove.

“Anonditi ndiri tsvina yemunhu uye akati amai vangu vakabereka marara. Nekukura kwangu uku changamire, ndingaudzwa kuti ndiri marara nekuti mwana akazoendawo kunogara kuHingirandi (England)?

“Akaenderera mberi kupinda muimba yangu yokurara oti hanzvadzi yangu irombe. Izvezvi nenyaya yekushungurudzwa uku, ndakanobatwa chirwere cheBP saka ndiri kutsvaga dziviriro kumwana.”

Akati Muvirimi paakamufushira nendove vakange vakakavadzana pamusoro pemusha wavo uye kubva musi uyu, havana kuzombogarisana zvakanaka.

Mupfupi akati ari kutochengeta mwana wake semunhu asina kumwe kwekugara nekuti haana musha waakavaka asati aenda kunze kwenyika.

Muvirimi akaudza mutongi kuti zvose zvaitaurwa nababa vake pamusoro pake zvakasangana chokwadi nemanyepo.

“Mukuru wangu, chokwadi chiripo asi zvimwe zvacho zvave kutozonyanya kuwedzerwa. Ava ndibaba vangu asi takanetsana nenyaya yemakiyi avairamba kundipa. Zvendove ini handizvizivi. Zvavari kutaura ndingati inenge ‘salad’ nekuti hachizi chokwadi chose,” akadaro Muvirimi.

Mupfupi akati haana chikonzero chekumupomera nhema.

“Murume mukuru anenge ini angafamba kubva kwose kwandabva kuzonyepera dare pamusoro pemwana wangu here? Mwana uyu akandipikira kundiuraya akanditi nhunzi iri nani.

“Pamusoro peizvi, ndanga ndichitoshaya kuti ndozvitaura sei kuti akandibvarura bhurugwa ndikasara ndisina kusimira pamberi pevanasikana vangu. Izvi zvose ndinoziva kuti zvaikuchidzirwa naamai vake,” akadaro.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Mupfupi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×