Vakuru vezvikoro musabatirire vana

GORE roga-roga panobuda zvinenge zvakanyorwa nevana pabvunzo dzeO- neA-Level panotoitika nyaya dzevamwe vanonyimwa zvinenge zvakabuda pabvunzo idzi nevakuru vezvikoro nekuda kwezvikwereti. Vakuru vezvikoro ava vanotora matanho aya zvisinei nekuti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti kuita kwakadai hakutenderwe uye hundururani. Izvi zvimwe chete zvakare nepanovhurwa zvikoro apo vamwe vanobatana nevemasangano anomirira vabereki, emaSchool Development Committtes, kudzinga vana vanenge vasina kubhadhara mari dzechikoro.

Bazi redzidzo iri rinoti zvakare katsika kekudzinga vanenge vasina kubhadhara mari dzechikoro hakatenderwe zvisinei kuti izvi zviri kuramba zvichiitika. Kune vakuru vezvikoro ndururani, avo vasingade kutevedza mutemo, asi vanongodzinga vana bedzi.

Gurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora, svondo rapera vakabvunzwa nyaya imwe chete iri mudare reSenate zvichitevera zvimwe zvikoro zvinonzi zviri kunyima vana zvakabuda mubvunzo dzeO- neA-Level nekuda kwekuti vanenge vaine zvikwereti.

Nhengo dzedare iri dzinoti kune vamwe vasiri kupihwa zvakabuda mubvunzo vane zvikwereti, kusanganisira avo vanoshaya vanobhadharirwa mari dzechikoro pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM).

Asi Dr Dokora vanoti hapanai vakuru vezvikoro vanotenderwa kunyima vadzidzi zvinenge zvakabuda mubvunzo nekuda kwezvikwereti zvisinei nekuti mari iyi inobhadharwa pasi pechirongwa cheBEAM here kana kuti kwete. Asi chinoshamisa ndechekuti kunyangwe zvichinzi izvi hazvifanire kudaro, zviri kuitika nguva nenguva.

Kana vakuru vezvikoro vachitevedza mutemo, ko sei izvi zviri kuitika? Vari kuterera ani pakuita izvi?

Vanhu veZimbabwe vangade kuziva kana paine vakuru vezvikoro vakatorerwa matanho mushure mekunge vatyora mutemo uyu nekuti zvanyanya. Vangani vakamiswa kana kudzingwa mabasa nekuti vatyora mutemo uyu? Zvinongotaurwa bedzi here asi pasina matanho anotorerwa nhubu idzi.

Kana vatyora mutemo ngavadzingwe mabasa tizvione!

Mutemo ngaushande vana vabatsirike nekusanyimwa zvinenge zvabuda mubvunzo kana kudzingwa pavanenge vasina kubhadhara mari dzechikoro nenguva.

Sekutaura kwaDr Dokora, vakuru vezvikoro havafanire kubatirira vana asi kuti ngavapedzerane nevabereki vavo kana paine zvikwereti, kwete vana.

Kana mudzidzi akanyimwa zvinenge zvakabuda mubvunzo nekuda kwechikwereti zvinoreva kuti remangwana rake panyaya yedzidzo kana achida kuenderera mberi rinenge rave mudondo.

Ngatitorei mufananidzo wemudzidzi akapedza O-Level anenge achida kuenda kuA-Level. Kana akanyimwa zvakabuda mubvunzo zvinoreva kuti haakwanise kuenderera mberi nefundo yake. Nekuda kwemukuru wechikoro asingatereri bedzi?

Asika, ivo vabereki ngavarege kutora mukana wekuti Hurumende iri kuti vana vane zvikwereti vasadzingwe kana kuti vasanyimwe zvakabuda mubvunzo. Tinodaro nekuti, sekutaura kwaDr Dokora, kune vamwe vabereki vane zvikwereti zvemari dzechikoro zvave kudarika makore maviri uye kuita kwakadai kwakashata. Unoda kupinzirwa mwana wako chikoro nani?

Mwana haana mhosva, ngaasabatirirwe nekuda kwechikwereti asiwo vabereki ngavaone kuti vabhadhara mari nenguva kuitira kuti fundo irambe ichisimukire.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×