Ongororo yemamiriro ezvirimwa yoitwa

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE kuburikidza nebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa iri kuita ongororo maringe nechimiro chezvirimwa muminda kumatunhu akasiyana munyika uye pari zvino ongororo iyi yakaitwa kumatunhu anosanganisira Mashonaland Central.

Vachitaura nguva pfupi yadarika vari paminda yemuGlendale, Mazowe nekuChiweshe, munyori mukuru kubazi rezvekurima Professor Obert Jiri vakayemura budiriro iri kuitwa munyaya dzekurima uye vanoti nyika iri kutarisira kuzowana goho guru.

“Paongororo yataita, taona kuti varimi vakawanda vakarima chibage uyewo dzimwe mbesa diki dzesoya bhinzi, nzungu nenyimo. Zvirimwa izvi zvakasvibira zvikuru zvinoratidza kuti zviri kuwana mvura yakakwana uye manyowa asi dambudziko retwumbuyu twakadai seFall Army worm neAfrican Army worm ndiro riri kushungurudza varimi. Makonye aya anodya mashisha nehunde yechirimwa, kusanganisira goho racho zvinoita kuti varimi varasikirwe. Saka tinokurudzira kuti varimi vange vachishandisa mishonga inorwisa makonye aya uye kuramba vachiita ongororo muminda yavo,” vanodaro.

Prof Jiri vanoti Zimbabwe inyika inozivikanwa pasi rese nenhau dzekurima uye chibage ndicho chikafu chemuno nokudaro vanofara zvikuru nehuwandu hwevarimi avo vakasarudza kurima chibage.

Vanoti izvi zvinobatsira mukudzinga nzara nehurombo uye zvipfuyo zvakadai semombe, mbudzi, hwai, huku nemadhadha zvinowanawo kudya kune utano.

Professor Jiri vanokurudzira varimi kurima zvirimwa zvakasiyana muminda kuitira kuti kana zvimwe zvikakundikana kuita zvakanaka vanowana pundutso mune zvimwe sezvo nyika iri kuramba ichitarisana nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Vakayemura murimi wekuChiweshe, VaTeddy Muchekesi, avo vave nemakore mazhinji vachirima nemanyowa ayo vanogadzira pakombositi yavo zvinoita kuti vasadhurirwe nekutenga fetiraiza muzvitoro.

“Chibage chandinorima pano ndinotsigirwa nemadhumeni. Chikuru chamunofanira kuziva pano ndechekuti handishandisi fetiraiza dzemuzvitoro asi kuti ndinogadzira makombositi angu ndichishandisa chese chinoora, angava mazhizha ezvirimwa, emiti, masadza anosara patinobika, ndove yemombe, mbudzi kana matosi ehuku tinozviunganidza pakombositi kudzamara zvaora tichiisa mumunda saka tinozvigadzirira organic fertilizer yedu. Tinowana goho rakapetwa nenzira iyi,” vanodaro Muchekesi.

VaMuchekesi vanochengeta zvekare huku dzinodarika 2 000 dzemazai uye pamusha pavo vane miti yemichero yakadai semimango, migwavha, miranjisi nemipopo iyo inobatsirawo pachirongwa chekurima nenzira yeAgroecology.

Mumwe murimi wechidiki ari kuita zvinorova mudunhu iri ndiVaTafadzwa Bonde vekuKilmar Farm kuGlendale, kuMazowe avo vari kurima makekita 17 echibage uye vanotarisira kubura goho rematani ari pakati pe10 kusvika 12 pahekita imwe chete.

“Vabereki vedu vakangobvira kare vachirima saka takakura tichidzidza kwavari. Pano tine munda wemahekita 17 echibage uye tinorima zvekare soya bhinzi. Mumwaka wekupisa tinorima gorosi tichingotenderedza. Munda wedu ndewekurenda asi tiri kuona budiriro huru. Kurima chibage kwakakosha nekuti munhu wese anoda kudya saka hatifi takashaiwa musika. Isu tinorima pakuru tichitengesa,” vanodaro.

VaMisheck Chitokomere avo vakafanobata chigaro chaProvincial Director kubazi rezvekurima kuMashonaland Central vanoti kana vachienzanisa nemwaka wadarika, mwaka uno dunhu ravo kusvika pari zvino rawana mvura yakawanda iyo iri kubatsira mukukura kwezvirimwa zvakanaka.

“Pachirimwa chechibage nefodya tinotarisira goho guru, tinokurudzira varimi vefodya kuti vashande pamwe neveForestry Commission uye Tobacco Industry and Marketing Board (TIMB) kuti vadyare miti yakawanda kuitira kuti nyika isazoita gwenga apo vanotema miti yekuomesa fodya yavo. Tinofara kuti mwaka uno takarima mahekita akakura anosvika 51 169 kureva kuti takavandudza kurima kwedu nechikamu che101 percent. Chirimwa chefodya chiri kufarirwa nevarimi sezvo vakawana mari yakanaka mwaka wadarika uye mwaka uno chakarimwa nechikamu che134 percent, mhunga (403 percent), soya bhinzi (75 percent), donje (40 percent), mapfunde (99 percent) uye gorosi tikabura matani 101 rinova goho rakakura zvakanyanya. Tine madhamu ane mvura asi dambudziko riripo nderekuti yakadererera. Mvura yemudenga takawana 2 60 millilitres kana zvichienzanisa ne156 millilitres yakawanikwa gore rapera panguva imwe chete iyi. Mapfunde varimi vanogona kuenderera mberi nekudyara mumwedzi uno waNdira,” vanodaro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×