Oshandisa zita remushakabvu kunzvenga mhosva 4 . . . akabata chibharo madzimai 3

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 34 ekuberekwa wekuChitungwiza akamiswa pamberi pedare reko nemhosva dzekunyepa apo akashandisa zita remushakabvu senzira yekunzvenga mhosva nhatu dzekubata chibharo madzimai matatu uye nekupamba mumwe mukadzi uyo waanonzi akabata chibharo zvekare.

Charles Tonde wekuUnit N ari kutongwa achibva muchizarira.

Akazvipa zita remushakabvu rekuti Aaron Sanyamahwe apo aibvunzurudzwa nemapurisa nekuda kwemhosva dzechibharo uye akasaina zvekare nezita iri.

Ongororo yakaitwa nehofisi inoona nezvekunyoreswa kwemagwaro ekuzvarwa neekufa kwevanhu munyika yeCivil Registry Department ndiyo yakazobudisa humbowo hwekuti munhu anonzi Aaron Sanyamahwe, uyo anobva kudunhu rimwe chete nemusungwa uyu, akashaya kare.

Tonde akamiswa pamberi pemutongi Karen Jeffry veChitungwiza Magistrates’ Court uye ari kutarisirwa kudzoka kudare munguva pfupi inotevera.

Ari kutongwa nemhosva yekunyepera mapurisa uye vamhan’ari zita rake pasi pechikamu chemutemo weDeliberately Supplying False Information to Public Official Section 180 (1) (a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Muchuchisi, VaPassmore Rulenso, vakaudza dare kuti nomusi wa13 Kurume gore rino, Tonde akanga ari pakamba yemapurisa yeZRP Dema apo akaronga zano rekuti anzvenge mhosva dzechibharo dzainge dzamumomotera.

Anonzi akashandisa zita rekuti Aaron Sanyamahwe achidura nemuromo wake pamberi pemapurisa pamwe nemuzvinyorwa pamagwaro emaaffidavit nemadhoketi akavhurwa nemupurisa, Gift Muchochotwa, uyo anoshanda paZRP Dema.

VaRulenso vanoti pazuva iri munguva dzemangwanani, mapurisa akabva naTonde kuKuwadza Police Station vachienda naye kukamba yekuDema.

Akabvunzwa naSergeant Madzitire, Mabita naConstable Duri maringe nemhosva dzechibharo idzi dzine magwaro ane nhamba dzinoti CR 51, CR 53 neCR 59  idzo dzakaitika mumwedzi waKurume gore rino.

Mukubvunzwa zita rake, Tonde akazviti Aaron Sanyamahwe kumumhan’ari nevamwe vaaishanda navo.

Dhoketi rakavhurwa nezita iri iye akaisa masiginecha ake nenzira yemanyepo zvekare.

Pakazoitwa ongororo zvikaonekwa kuti Aaron Sanyamahwe raive zita remufi anobva kumusha kwake, humbowo uho hunotsinhirwa nezvakaburwa kuhofisi yezvitupa yeCivil Registry Department.

Mushure mekuona kuti vainge vanyeperwa nemusungwa uyu, mapurisa vakamunyoresa magwaro emaForm 390 eyambiro achibva atsinhira pachake kuti ainge avashandisira zita remanyepo zvakaita kuti avhurirwe dhoketi.

Zvinonzi pazuva rimwe chete iri, apo akanga ari Kuwadzana Police Station, Assistant Inspector Kampila vakabvunza Tonde nemhosva yekupamba (kidnapping) uye kubata chibharo mumwe mukadzi wekwaMurewa.

Anonzi akavanyepera zvekare kuti ainge achinzi Aaron Sanyamahwe kudakara azoendeswa kumatare edzimhosva.

Pakange pachiitwa ongororo, zvakaonekwa kuti Tonde akanga achitori nechitupa uye nharembozha yemudzimai waakatapa pamwe nekubata chibharo uyo akange ari mushishi kutsvagwa nehama dzake.

Imwe hama yemusungwa payakafonerwa nemapurisa, yakatsinhira zvekare kuti anonzi Charles Tonde.

Tsvakurudzo yakaitwa kumahofisi eCivil Registry Department yakataridza kuti Aaron Sanyamahwe akashaya nomusi wa13 Gunyana 1986 kuNyanga.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×