‘Small-house’ pfacha mubhedhuru murume ari musvo nemudzimai  

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 42 okuberekwa wekuZengeza 1, kuChitungwiza wekuvimbisa kuroora shamwarikadzi yake ozvidemba zvichitevera kumupindira kwayakamuita mumba make arere nemudzimai wake ndokutema kumeso negas tank izvo zvakaita kuti akuvare zvakanyanya.

 Chamunorwa Kaitano (42) akazvuzvurudzira shamwarikadzi yake, Talent Gurure (18), wekuSt Mary’s kuChitungwiza kwakare kudare mushure mekunge amutema kumeso negas tank ndokutsemuka pamusoro peziso.

Muchichisi Passmore Rolenzo akaudza dare kuti nomusi wa27 Ndira gore rino munguva dzemangwanani, Gurure akafumoenda kumba kweshamwarirume yake – Kaitano – achibva angosvikozarura musuwo pasina kugugudza.

Anonzi akawana Kaitano arere mumudzimai wake, Pamela Gambiza (20), vasina kusimira.

“Ndakashamisika nazvo kuti munhu angangosvika achivhura musuwo sei takarara tiri musvo. Saka panguva iyo ini nemurume wangu takanga tiri mushishi kuedza kusimira ndipo paakasimudza gas tank ndokumutema kumeso zvakaita kuti akuvare zvakanyanya. Panguva iyi, ndainge ndiri kutomubvunza kuti iye ndiyani uye aidei saka ndisati ndawana mhinduro ndipo pakabva paita tsekwende iyi,” anodaro Gambiza.

Anoti murume wake akazotanga kuridza mhere, Gurure achibva atiza zvekuti veruzhinji pavakauya vachiedza kumutandanisa vakakundikana kumubata.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Gurure asungwe.

Magwaro ekwachiremba akaburitswa mudare seumbowo anoratidza kuti Kaitano akaita ronda rakadzika pamusoro peziso rake rekurudyi.

Gurure ari kutongwa nemhosva yemhirizhonga pasi pechikamu cheSection 3(1) (a) ARW Section 4(1) chemutemo weDomestic Violence Act Chapter 5:16.

Musungwa uyu ari kurambisisa mhosva iyi achiti vakarwa naKaitano.

“Mhosva iyi ndinoiramba nekuti iye ndiye akatanga kundirova ini ndichibva ndamudzorerawo achibva apunzikira pasi kwava kutunga pasi nekumeso, handina kumutema negas tank sezvaari kutaura,” anodaro achiedza kuvhika mhosva.

Mutongi Karen Jeffery ndivo vari kuita nyaya iyi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×