‘Tinoda hunhu muzvikoro’

MUKURU wezvedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Chamunorwa Kateera, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vave nehunhu, vashande nesimba uye vakavimbika.

Vachitaura svondo rapera pakupihwa kwemibairo kuvana nevarairidzi vakakunda vamwe pamabiko eHighglen District Merit Awards, VaKateera vanoti kunyangwe vanhu vakuru vakavimbika pamwe nekushanda nesimba, zvinopedzawo nyaya dzehuwori.

“Vana vanofanira kuva nehunhu/ubuntu, kuvimbika nekushanda nesimba. Isu vanhu vakuru tose takadzidziswa kuva nezvinhu zvitatu izvi, nyaya dzehuwori dzatiri kunzwa munhau mazuva ano idzi kudai kungadai kusina.

“Ndokusaka paine kurudziro yekushanda nesimba, kuita zvinhu zvakajeka nekusimudzira tsika nemagariro. Pasina hunhu/ubuntu huwori hauperi, hapana kushanda nesimba uye zvinhu zvinenge zviri manyama amire nerongo. Vadzidzisi, vabereki nevana vechikoro ngatisimudzirei hunhu/ubuntu,” vanodaro VaKateera.

Vanoti vana vechikoro vanofanira kuwaniswa mikana yekuita zvidzidzo zveScience, ICT, Engineering, Arts, Mathematics nemabasa emawoko.

“Tava kunangana nekudzidzisa vana vechikoro kuti vawane dzidzo inozovapa pundutso mune remangwana. Izvi zvinobatsira pakusimudzira upfumi hwenyika,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naDistrict Education Officer weHighglen District, VaSolomon Mafukidze, vachiti vari kushanda nesimba mukusimudzira dzidzo muzvimbo iyi.

“Tiri kushanda nesimba kuti wose ari kudzidza ave anowana dzidzo yepamusoro chinangwa chiri chekusimudzira dzidzo. Izvi tiri kuzviitawo netarisiro yekuti vana kana vadzidza vakwanise kuita zvigadzirwa zvavo, kushanda nesimba nekusimudzira tsika nemagariro,” vanodaro.

VaMafukidze vanoti zvakakoshawo kuti vana vechikoro vazive nhoroondo yenyika yavo nemitauro yacho.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×