Tsvina: Cholera inotodzika midzi

ZIMBABWE panguva ino iri kushungurudzwa zvikuru nechirwere chemanyoka checholera, icho kusvika nemusi weChipiri svondo rino chinonzi change chakonzera rufu rwevanhu vanosvika 20 muguta reHarare bedzi uye vamwe vanodarika 2 000 vanonzi vakatobatwa nacho kunzvimbo dziri kumativi mana enyika.

Bazi reutano nekurerwa kwevana nemamwe mapoka pari zvino vari mushishi kurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Cholera iyi inonzi yakatanga munzvimbo dzinosanganisira Budiriro neGlen View, muguta reHarare, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi vainge vanwa mvura isina kuchena yemune chimwe chibhorani cheko.

Mvura yemuchibhorani ichi inonzi yakasangana neutachiona hunokonzera cholera kuburikidza nemapombi anotakura mvura yesuweji ayo akaputika pasi.

Chirwere ichi chinonzi chatekeshera kumamwe matunhu enyika anosanganisira Chitungwiza, Midlands, Manicaland, Masvingo neMashonaland Central. Vose vari kunzi vakabatwa nechirwere ichi vanonzi vainge vamboshanyira nzvimbo dziri muHarare kunova kwakatangira cholera.

Sekutaura kwemunyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, makanzuru emumadhorobha nemaguta anofanira kuona kuti vagari vemunzvimbo dzavo vane mvura yekushandisa yakachena.  Zvakakosha kuti veruzhinji vave neruzivo pamusoro pezviratidzo zvecholera uye nezvavanofanira kuita kana vaine fungidziro yekuti vabatwa nechirwere ichi.

Zvine njodzi kungonwa mvura inenge yacherwa mumatsime, zvibhorani kana papombi isina kutanga yafashaidzwa kana kuiswa mishonga inouraya utachiona hunokonzera cholera.

Veruzhinji vanofanira kusiyana nekatsika kekungotenga zvekudya zvakaita semichero nemiriwo mumigwagwa sezvo vanenge vachiisa utano hwavo panjodzi. Zvinoshamisa kuti dzimwe nguva unoona munhu achitenga ungave muriwo padivi pemugwagwa asi pedyo pedyo nepanenge ari pachitengeswa muriwo uyu pachiyerera mvura yemasuweji — tsvina!. Kwete, veruzhinji ngavakoshese upenyu hwavo uye vanofanira kuziva kuti zvinhu zvakachipa zvinozovadhurira pamberi apo kana kutora hupenyu hwavo. Pamusoro pezvo, vanhu ngavasiyanewo nekutenga zvekudya zvakaita sesadza munzvimbo dzisina kukodzera nekuti pane mukana mukuru wekuti vabatwe necholera. Utsanana hunofanira kucherechedzwa nguva dzose uyewo vanhu vorega kuitira dope neweti pose pose sezvo izvi zvichiita kuti utachiona hwecholera hupararire nekukasika.

Kune avo vanenge vari parufu, ngavasiyane zvakare netsika yekubatana mawoko sezvo kuita kwakadai kuine njodzi huru yekuparadzira utachiona hwechirwere ichi.

Hongu, kune vamwe vane mafungiro ekuti vakarega kumhoresana kana kubatana nemawoko parufu, vanozoonekwa sevanodada zvinove zvisiri izvo.

Vanhu vanofanira kunzwisisa kuti cholera inokwanisa kuuraya mhuri yose kana ikanonokerwa kurapwa.

 

Tikaita huchapa denda iri rinotopfunya chisero, dzimwe dzimba dzikavharwa vanhu vapera kufa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×