‘Tinonopika jeri tose’

Gamuchirai  Muzanenhamu

MURUME weEpworth, muHarare, anoti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo ari kugara achimutyisidzira achiti anoda kupara mhosva asi ozonyepa kumapurisa kuti vakakoromora mhosva yacho vose senzira yekumupfidzisa kuti aendewo kujeri.

David Marimo akaendesa Richard Nyamapfeka kudare reHarare Civil Court achiti: “Uyu muvakidzani wangu uye ndinomuti sekuru nekuda kwemutupo wake. Ava kundityisidzira achiti anoda kupara mhosva oita sekunge ndakanga ndinaye kuti ndipinde mujeri izvo zvave kuita kuti ndisade kuti auye kana kudarika nepamba pangu.”

Anoti Nyamapfeka anopara mhosva achimboenda kujeri achizobuda, naizvozvo anokwanisa kuita zvaari kumutyisidzira nazvo iy asingarwadziwe nekuti akazvijaira.

“Anopota achipinda mumajeri achibuda saka azvijaira, hazvisi zvitsva. Ndokusaka ndiri kutya uye nekuwirirana kwataisiita vanhu vanogona kuzvibvuma kuti takabatsirana kupara mhosva nekuti mazuva aainge ari mujeri ndaipota ndichinomuona ndichimutengerawo zvimwe zvaaida kuti asarwadziwe namo,” anodaro Marimo.

Nyamapfeka anopikisana nechikumbiro chaMarimo achiti anoda kuramba achienda pamba pake nekuti gomba rechimbuzi riripo ndiye akarichera uye kwemakore matatu aakange ari mujeri, aitora mari yemaroja pamba pake iyo yaasisade kubhadhara.

“Ndakamuudza izvozvo nekuti ari kuramba kundipa mari yemaroja angu yaaidya makore matatu andaive ndiri mujeri uye chimbuzi chaari kushandisa ndini ndakachichera saka ndine mvumo yekuendapo. Kana asingandide ndogona kuchipaza kana kuti ngaandibhadhare mari yangu yose,” anodaro.

Anoti ava muporofita uye Marimo ari kutumira vanhu kuti vamuongorore zvose zvaanoita.

“Ndava munhu ava kunamata, ndava muporofita asi ari kutumira vanhu vari kutarisa zvandiri kuita uye ave kumhanya kuno kudare kunge ndini ndiri kukanganisa runyararo rwake,” anodaro Nyamapfeka.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Marimo gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *