Utano hweveruzhinji hwosimudzirwa

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kutora matanho akasimba akananga kusimudzira kuwaniswa kweutano kuruzhinji kuburikidza nenzira dzinosanganisira kumutsiridzwa kwePublic Health Advisory Board iro rine basa guru rekuve chipangamazano mukugadziriswa kwematambudziko akatarisana nechikamu chezveutano munyika.

Bhodhi iri rine nhengo dzinosanganisira varapi, madhokotera, vanachiremba vemazino, vanovheneka mitezo yevanhu, vanobatsira mukuitisa mitambo inosimbisa muviri (physiotherapists), magweta, vashandi vemumafamasi, nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda, varapi vechivanhu, vamiririri veHurumende uye masangano akazvimiririra.

Public Health Advisory Board rakavepo zvichitevera mushandirapamwe wenhengo dzedare reParamende dzakabatana nesangano reCommunity Working on Health (CWGH).

Vachitaura pamusangano wekumutsiridzwa kwebhodhi iri wakaitirwa muHarare munguva pfupi yadarika, Dr Agnes Mahomva avo vanova chipangamazano (Public Health Advisor) muhofisi yemutungamiriri wenyika (Office of the President and Cabinet), vanoti vanofara kushanda nemamwe mapoka mukurwisa matambudziko ari kusanganikwa nawo munyaya dzeutano.

“Kuumbwa kwePublic Health Advisory Board kwakakosha mukusimudzirwa kweutano. Bhodhi iri rinomira sechiringiro richibatsirana neHurumende mukuona pane mikaha iripo muutano kuti pagadziriswe nenguva. Ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubara dziri kuramba dzichiwanda munyika saka bhodhi iri rinobatsira mukuzivisa kuti munzvimbo dzakati  munoda kuvakwa zvipatara zvakawanda kana kudzidziswa kwananyamukuta. Utano hwenyika hunogadziriswa nemunhu wese kusanganisira masangano akazvimiririra achibatsirana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoenderera mberi vachiti: “Tinoda kuti munhu wese ange achiwaniswa nyaya dzeutano nenzira yakaenzana kuti tibudirire kurwisa dambudziko rekunyuka kwezvirwere zvinozoshairwa mishonga pamwe nekuderedza ndufu dzevanhu munyika. Tinoda kuti makiriniki edu ave nezvikwanisiro zvinoita kuti vanhu vange vachipfuudzwa bedzi kuendeswa kuzvipatara zvikuru kana paine chikonzero chikuru.”

Vanoti mugore ra2007, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rakavamba zvirongwa zvitanhatu zviri maringe nekusimbaradzwa kweutano hweveruzhinji munyika.

“Zvirongwa izvi zvinosanganisira kuwaniswa kweutano nezvikwanisiro muzvipatara, kutsigirwa kwehomwe yeutano, kuwaniswa kwemashoko nemishonga uye vashandi vakafundira mabasa ekurapa.

VaItai Rusike vanova executive director wesangano reCWGH vanoti  Public Health Advisory Board rakaumbwa pasi pemutemo wePublic Health Act mugore ra2014 asi rakanga risati ratanga kushanda kubvira ipapo.

Vanoti kumutsiridzwa kwaro kuchasimudzira zvakanyanya kuwaniswa kweutano kune veruzhinji.

“Basa guru rinoitwa nebhodhi iri nderekuongorora nyaya dziri kutambudza vanhu maringe neutano richipa mazano kuti matanho api angatorwa kuzvigadzirisa. Kuita ongororo vachigoverana ruzivo nekuita misangano yepagore yeAnnual National Health Consultative Forum. Zimbabwe iri kutarisana nezvigozhero zvakasiyana munyaya dzeutano zvinoda mukomberewa kuti zvirwiswe zvakadai sekushomeka kwemari inotsigira nyaya dzeutano, kusakara kwemidziyo inoshandiswa muzvipatara, kushaikwa pamwe nekushomeka kwemishonga uye kuwanda kwendufu dzemadzimai nevana panguva yekubara,” vanodaro.

VaRusike vanoti nyika yakakundikana kuzadzikisa chisungo cheAbuja Declaration  maringe nekutsigirwa kwehomwe yeutano  apo mumakore mana apfuura, mari yebhajeti yaipihwa bazi rezveutano nekurerwa kwevana pagore inosvika pachikamu che11.4 percent kana zvichienzaniswa nechikamu che15 percent icho chakatarwa.

“Munguva pfupi yapfuura, Hurumende yakadzika mitero yakadai seHealth Levy neSugar Tax nechinangwa chekutsigira zvirongwa zvekuwaniswa kweutano kumunhu wese zveUnversal Health Coverage. Mari iri kuunganidzwa kuburikidza nemitero iyi iri kushandiswa mukutenga mishonga muzvipatara, kutenga midziyo yekurapa uye kuvheneka zvirwere zvegomarara nezvimwe,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *