Sukulwenkosi Dube-Matutu
MAPURISA ari kukurudzira vabereki nevamwe vachengeti vevana kuti vagare vachiongorora mashandisiro avanoita dandemutande panguva iyo nyaya dzine chekuita nekushungurudzwa kwevana dziri kuwanda izvo zviri kurunzirwa neSocial Media.
Vachitaura kuvagari vemunharaunda yeGwanda Urban nguva pfupi yadarika, mutauriri wemapurisa kuMatabeleland South, Inspector Chiratidzo Dube, vanoti vana vari kushungurudzwa uye vachishungurudzawo vamwe zvine chekuita nebonde nekuda kwezvavanenge vachiona padandemutande.
Vanokurudzira vabereki nevamwe vanochengeta vana kuti vaongorore nguva nenguva zvavanenge vachiona pamakombiyuta, nharembozha nemimwe midziyo inoshandisa magetsi.
“Muna 2025, takawana nyaya dzekushungurudzwa kwevana pabonde mushure mekurunzirwa nezvavaiona panharembozha dzevabereki vavo. Ngatiregei kupa mukana kuArtficial Intelligence (AI) pamwe chete netekinoroji kuti itore basa redu rekuraira vana vedu sevabereki,” vanodaro Insp Dube.
“Vamwe vana vari kushungurudzawo vamwe vavo zvakare munyaya iyi. Sevabereki nevachengeti vevana, tinofanirwa kuramba tichiita basa redu rekugara tichiongorora kuti vana vedu vanenge vachiona chii panharembozha nemimwe midziyo.”
Insp Dube vanosimbisisa kukosha kwekuve nehukama hwakasimba mumhuri kuitira kuti pave nekutaurirana pachena uye kwakasununguka pakati pevabereki nevana.
“Ngativei nehukama hwakasimba nevana vedu kuitira kuti kana pane zvavanenge vasangana nazvo, vanonzwa kusununguka kutaura nevabereki vavo. Tine dzimwe nyaya dzekushungurudzwa kwevana dzinozomhan’arwa kwapera mwedzi dzaitika nekuti vana vanenge vasina kusununguka kuzvitaura kune vabereki vavo,” vanodaro.
Insp Dube vanoyambira kuti kana pakasave nekuongororwa kwevana pavanenge vachishandisa dandemutande, izvi zvinoita kuti pave nezinyeke-nyeke mumhuri.
“Tekinoroji yaita kuti pave nemukaha mumhuri uye iri kukanganisa kusimbaradzwa kwemhuri. Kubatana kwemhuri kunoramba kwakakosha munyaya dzebudiriro nekurerwa kwevana,” vanodaro Insp Dube.
Vanokurudzira nharaunda kuti dzishande pamwe chete nevabati vezvemutemo mukuchengetedza vana kubva mukushungurudzwa kuburikidza nedandemutande.



