Kuvandudza dzidzo kuri kuda $16m

Daphne Machiri
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti pari kudiwa mari inosvika $15,7 miriyoni yekuti chirongwa chekuvandudza dzidzo (New Education Curriculum) chinge chichibudirira mukufambiswa kwacho gore rino.

Vachitaura nevakuru vezvikoro kwaRusape, kuManicaland nguva pfupi yadarika, Cde Dokora vanoti dare reCabinet rakatenderana pamusoro pechirongwa ichi uye chasara chete kuti chichitanga kufambiswa.

“Mari inodiwa kufambisa chirongwa chekuvandudza syllabus yesekondari inosvika $15,7 miriyoni. Zvidzidzo izvi zviri kuvandudzwa pachikosheswa zvemabasa emawoko zvinova zvinosimudzira upfumi hwenyika nekuvapo kwemabasa kwemakore manomwe anotevera. Tichabatsirwa zvakare nevemakambani akazvimirira pamwe neHurumende mukutsvaga mari iyi,” vanodaro.

Cde Dokora vanoti zvidzidzo izvi zviri kuvandudzwa zvichienderana nechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Takanangana nechirongwa cheZim-Asset chinova chinoita kuti nyika ive nevanhu vanokwanisa kuzvishandira vapedza chikoro, zvinova zvichaunza kuvhurwa kwemaindasitiri, mikana yemabasa nekusimudzira upfumi hwenyika,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti bazi ravo richatenderera mumatunhu ose enyika richipa chenjedzo pamusoro pechirongwa chekuvandudza zvidzidzo ichi.

“Hatisi kudzokera shure mukuvandudza dzidzo sezvo dzidzo iri nhaka yeupenyu zvakare vechidiki ndivo vatungamiri vemangwana,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *