Vapata musha nekudirwa jecha rinobva mumhepo kumeso

Kingstone Mapupu

MHURI inobva kwaSabhuku Makuva kudunhu raMambo Nyakunhuwa kuZaka, kuMasvingo yapata musha nekuda kwemasaramusi anosanganisira kudirwa jecha nekutemwa nematombo izvo zvinongobva mumhepo.

Izvi zvakaona vemhuri iyi vachitamira kuChiredzi, kuTriangle zvave kuita kuti musha wavo uve dongo.

VaAmos Mahara (36) vanoti vakavaka musha wavo uyu uyo une imba ine mipanda minomwe mugore ra2013.

Vanoti panguva iyi vakatengawo chigayo ndokuvamba mabhizimisi akasiyana.

“Tavaka musha kudaro, zvinhu zvaifamba pfuma ichiuya pasina zvainetsa. Nekufamba kwenguva, pamba pakazotanga kufambwa pachinzwikwa mitsindo pamusoro pemba mazizi achiungana pamba sehuku masikati neusiku. Ini ndaimonerwa nenyoka yaingoerekana yasvika pamusha.

Ndakatangawo kushaya simba pakusasana nemudzimai ndokutanga kurota ndichishinhwa neni,” vanodaro VaMahara.

Vanoti kunze kwazvo, magonhi epamba pavo anorara achigogodzwa nevanhu vasingaonekwi uyewo mari yakangotanga kunyangarika mumba.

“Masaramusi aya achifambira mberi, kwakazotanga kumwaiwa jecha mudenga pamba nekupotserwa kwematombo nevanhu vasingaonekwi. Jecha iri raidirwa kumeso kwedu semhuri nekutemwawo nematombo aya. Vanasikana vangu vakatanga kutaura kuti vaiitwa madzimai nevarume

vavaisaona uyewo ndokutanga kuramba chikoro vachibatwa nemweya yakasiyana,” vanodaro VaMahara.

Vanoti mumwe wevanasikana vavo akatanga kubatwa nemweya usingazivikanwe kana angosvika pachikoro zvakaita kuti vadzidzisi vape zano rekuti ambonobatsirwa ari kumba.

“Mumwe wevana vangu vasikana anoti kana akaenda kuchikoro achingosvika pagedhi obva abatwa nemweya unotaridza kuti ndewengozi, paanoita zvakanaka mukamubvunza anoti anenge achiona ambuya vake,” vanodaro VaMahara.

Murume uyu anoti pfuma yake yose yakaparara zvaasina kunzwisisa uyewo chigayo nemotokari zvinogara zvichifa.

“Ndakaberekwa pamusha wechipari, vabereki vangu vanopinda chechi yepositori havadi kufamba kune mamwe machechi kana kuchivanhu. Pamusha uyu panogara pakazara katsi, ndakazotiza pamba apa ndava kugara muzvitangwena chaimo kuChiredzi,” vanodaro VaMahara.

Murume uyu anoti kubasa kwaanoshanda haaonekwe semunhu sezvo anogara achitukwa pasina chaatadza.

“Ndiri kutsvaga kubatsirwa kubva mumatambudziko aya kuti zvipere. Mbatya chaidzo nemimwe midziyo ndapedza kutengesa kuti ndiwane kurarama. Izvozvi mbatya dzandakapfeka idzi ndidzo dzose, ndava munhu wenhamo,” vanodaro VaMahara.

Vanoti pamusha wavakatama uyu vakamboona bhodhoro raiva rizere mafuta nemishonga mukati rakachererwa pamusiwo wemba yavo.

“Musha wangu wakanakisa ndakautiza kuZaka ndikaenda kuChiredzi, handizive kuti ndichadzokera here nekuti ndava kutya kufa nemhuri yangu,” vanodaro VaMahara.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *