VARIMI gumi nevana kubva kumativi mana eZimbabwe, avo vakapinda mumakwikwi ekutanga ari kurongwa neKwayedza achitsigirwa nekambani inouchika mbeu yeSeed Co anodaidzwa kuti Mudhumeni Mukuru, vachapihwa mibairo yavo munguva pfupi iri kutevera.
Pasi pemakwikwi aya, varimi vanobvunzwa mibvunzo inobva pachinyorwa cheMudhumeni Mukuru icho chinonyorwa naVaIvan Craig, vanova agronomy and extension services manager kuSeed Co.
Varimi vakakunda mumakwikwi echikamu chekutanga aya vachazviwanira mibairo yembeu dzinoenderana nematunhu avo.
VaCraig vanoti donzvo riri pakusimudzira mabasa ekurima munyika.
“Donzvo redu ndere kukusimudzira varimi uye kuti vange vachiverenga bepanhau reKwayedza, zvikuru chikamu chekurima nekuti ndimo mavanowana hunyanzvi hwezvekurima. Ndiko kusaka takatanga chirongwa chekupa varimi zvinyorwa zvine chekuita nemabasa avo tichizovapa zvakare mibvunzo kuti tione hudzamhu hwekunzwisisa kwavo. Tinoda kuti varimi vedu vave neruzivo rwekurima kwechizvino-zvino.
“Murimi wekutanga achaenda ne10 kgs yembeu, wepiri 5 kgs kuchizoti wetatu 2 kgs pachinyorwa chega-chega,” vanodaro.
Mai Charity Gwata-Chirume, vanove business and marketing manager weZimpapers Harare Branch, vanoti makwikwi aya ari kuitwa nemushandirapamwe wekambani yeSeed Co nebepanhau reKwayedza nechinangwa chekusimudzira mabasa ekurima.
“Tinoda kutsigira nyaya dzeruzivo kuvarimi nekuti kana vakaziva vacharima zvine hunyanzvi zvichiita kuti matumbu edu agare akaguta,” vanodaro.
Vachawaniswa mibairo iyi vakasarudzwa kubva mumwedzi waChikumi panove pakavambwa chirongwa ichi kusvika munaZvita 2015. Onaizve chiziviso chiri papeji rino.




