‘Varimi siyanai nechikiribidi’

VARIMI vakakurudzirwa kuti vasaite chitsotsi kana chikiribidi chekupinda mumakwikwi ekurima eshoo nezvirimwa zvavanenge vasina kurima kana zvinhu zvavasina kugadzira.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaIvan Craig vanove agronomy and extension services manager kukambani yeSeed Co svondo rapera apo vaitaura kuShamva, kudunhu reMashonaland Central pakupihwa mubairo kwemurimi akatora nhamba yechipiri kuHarare Agricultural Show gore rapera.

Murimi uyu, VaWeston Muza, pamwe chete nemudzimai wavo – Mai Farai Muza – vakawana mubairo wemudhudhudhu nembeu yechibage kubva kukambani yeSeed-Co.

Vakawaniswawo zvakare fetereza nekambani yeNico Orgo pamwe chete nepombi yekudiridzisa kubva kuBlagefields Marketing (Pvt) Ltd.

“Kune vamwe varimi vanouya kushoo nezvinhu zvavanenge vasina kurima kana kuti vaita zvekutenga kune vamwe varimi voti ndezvavo vachida kuhwinha mumakwikwi aya. Kuita kwakadaro hakuna kunaka nekuti chinenge chava chikiribidi kana kuti hutsotsi nekuti unenge wava kunyepera vanoongorora pamwe chete nekubiridzira vamwe varimi vanouya nezvirimwa zvavo zvepachokwadi,” vakadaro VaCraig.

Vanoti nekuda kwechikiribidi ichi, varimi vachaenda kushoo gore rino zvichienda mberi vachange vachiongororwa zvakasimba kuitira kupedza dambudziko iri.

“Pavanhu vanenge vachiongorora zvirimwa zvevarimi kushoo takakaronga nesangano reZimbabwe Agriculture Society kuti vange vari vanhu vagara mubasa rezvekurima kwemakore uye vanonyatsoziva zvinodiwa. Zvirimwa izvi nezvigadzirwa zvose takati zvinofanira kuongororwa nanamazvikokota kuitira kuti munhu wese anopinda mumakwikwi aya anyatsogutsikana nezvinenge zvabuda pakupedzisira. Rimwe danho ratakatora nderekuti vanhu vana vanenge vasara vakunda vamwe vose pakupedzisira mumakwikwi aya vanoshanyirwa nesu vanamurimisi toongorora kuti ichokwadi here kuti zvirimwa ndezvavo kuburikidza nekuenda kumisha yavo pamwe chete nekuongorora muminda mavanenge vachiti ndimo makabva zvirimwa,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *