Varimi vemombe vovandudzwa ruzivo

Muchaneta Chimuka

SANGANO reParticipatory Ecological Land Use Management (Pelum Zimbabwe) rosimudzira mabasa evarimi vezvipfuyo zvakaita semombe nembudzi kuburikidza nekuvadzidzisa machengeterwo azvo, nyaya dzemafuro uye kudzivirira kuti zvisabatwe nezvirwere zvakasiyana-siyana.

Nguva pfupi yadarika, sangano iri rakaita chirongwa chemazuva mashanu chekudzidzisa varimi cheholistic land and livestock management, icho chaikotsverwa neveAfrica Centre for Holistic Management (ACHM) kuDomboshava.

VaTheophilous Mudzindiko, vanove country coordinator wePelum Zimbabwe, vanoti donzvo ravo nderekukusha ruzivo kuvarimi vezvipfuyo kuti vaite mabasa avo nenzira isingakanganisi nharaunda uye utano hwevanhu.

“Tiri kukurudzira varimi vezvipfuyo kuti vave nepadhoki kana nzvimbo imwe chete yakakura iyo vanofudzira mombe dzavo, vachipanana zvijana senharaunda. Izvi zvinobatsira kuti ndove neweti yemombe zvinge zvichiwanda mumafuro, zvichiita kuti ivhu riwane kudya kwakakwana. Zvinobatsira zvakare mukuderedza zvirwere zvemombe zvakaita seJanuary Disease nekuti varimi vese vanenge vave kuona kuti mombe dzavo dzadhibhiswa nekudzivirirwa kuzvirwere sezvo dzichisangana kumafuro mamwe chete. Weti nendove yemombe zvine kudya kwakawedzerwa kunokudza zvirimwa uye mafuro,” vanodaro.

VaElias Ncube, vanove training manager weACHM kuVictoria Falls, vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru kuvarimi.

“Takwanisa kudzidzisa vafudzi vemombe, madhumeni nevatungamiri vevanhu munharaunda vanosvika 26, avo vachanofundisawo vamwe vakasara kumaruwa mumatunhu akasiyana-siyana enyika,” vanodaro.

VaViyani Ndlovu, vanove mudzidzisi wevarimi, vanoti zvakakosha kuti varimi vange vachichinja matanga ezvipfuyo zvavo nguva nenguva kuitira kuti zvisarambe zvichirara panzvimbo ine ndove.

Vanoti kusachinja matanga kunonenekedza zvipfuyo kuzvirwere zvakaita sezvemahwanda kana January Disease.

“Matanga ngaagare asina hunyoro uye manyowa ese endove anofanira kupota achibviswa, achiiswa muminda kuitira kuti zvirimwa zvikure zvakanaka, kureva kuti hapachina chikonzero chekuti murimi awanikwe achitenga fetireza, inova inokanganisa utano hwevanhu. Manyowa neweti yemombe zvakakosha zvikuru mukuwanisa kudya kwakakwana kuzvirimwa,” vanodaro.

VaWellington Muchita — vanove mudhumeni uye technical officer weEcological Land Use Organisation kuChimanimani, vanoti dzidziso iyi ine udzamu kana pachitariswa budiriro yenyika.

“Zvipfuyo zvakakosha kuupfumi hwenyika, saka chenjedzo yatawaniswa inobatsira kuti tisarasikirwe nazvo, takatarisa nyaya dzekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

“Tadzidziswa kuti mafuro anochengetedzwa sei kuti akwanise kupinda mumwaka unotevera nokuti takaona kuti mumakore adarika, mombe dzakawanda dzakafa nekuda kwekushaiwa chikafu uye mvura,” vanodaro VaMuchita.

Kezinet Mhlanga, anove mudhumeni kuMberengwa, anoti chirongwa ichi chinobatsira zvakanyanya mukusimudzira mabasa evarimi munyika.

Mumwe mufudzi wemombe kuShurugwi, Mary Mutolwa, anoti ruzivo rwaakawana rwuchamubatsira nevamwe vake mukuchengetedza nharaunda uye kuvandudza utano hwezvipfuyo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×