Mabvirabvira ingazviite zvakare here paKepekepe?

Abel Ndooka

KUCHATSVA demo kugosara mupinyi kunhandare yeRufaro muHarare nemusi weSvondo uno apo Scottland FC ichatatsurana neCAPS United mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League (PSL) Matchday 19.

Uyu ndiwo mutambo mukuru wePSL uriko svondo rino.

Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana kechipiri mwaka uno uye zvese zvinotofanirwa kurwa semvumba kuti zvihwinhe mutambo uyu kana zvichida kubata zvishuviro zvazvo.

Mumutambo wekutanga wezvikwata izvi, uyo wakatora nzvimbo mwaka uchangotanga, Scottland FC yakarakasha Green Machine 2-0 kunhandare yeRufaro zvakare.

Ian Bakala

Chikwata chaTonderai Ndiraya chiri kupinda mumutambo uyu chakasiyiwa neMWOS FC nezvibodzwa zvipfumbabwe.

MWOS ndiyo iri kutungamira palogo rePSL pari zvino.

Kuchiti nekune rimwe divi, chikwata chaIan Bakala — Kepekepe — chakagara pechi11 palogo rePSL chiine zvibodzwa 20 kubva pamitambo 18.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, maPunters (MWOS FC) achange ari pamusha kuNgoni Stadium kuNorton nemusi weMugovera, achisangana neBikita Minerals.

Pakasangana zvikwata izvi nguva yadarika, mutambo wazvo wakapera uri mangange 1-1.

Mutambo wesvondo rino unotarisirwa kunge uchinakidza zvekukunda ngoma kurira.

Chikwata chaLloyd “Samaita” Mutasa, MWOS FC, chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura mumwaka wacho wekutanga           muPSL. Svondo radarika, chikwata ichi chakakunda Highlanders 1-0 kuBabourfields, kuBulawayo.

Simba Bhora, iyo yakatora mukombe wePSL mwaka wadarika, ichange iri pamusha kuWadzanayi Stadium kuShamva apo ichasangana neZPC Kariba musi weMugovera.

Simba Bhora iri kudzingirirana neMWOS murwendo rwekurwira mukombe wePSL uye yakagara pechipiri palogo, apo yakasiiwa nechibodzwa chimwe chete nemaPunters.

FC Platinum, iyo isati yambokundwa mwaka uno, iri kunanga kwaMutare kunosangana neManica Diamonds musi weMugovera.

Zvisinei, gore dema rakasimuka kuFC Platinum zvichitevera kushaika kwakaita mutambi wechikwata ichi —  Brian Banda — mutsaona yemumugwagwa nemusi weSvondo wadarika. Uyu uchange uri mutambo wekutanga Pure Platinum Play ichitamba kubva zvashaika Banda.

Dynamos FC, iyo iri kutatarika zvikuru mwaka uno, ichange iri pamusha kuRufaro Stadium musi weMugovera, apo ichabandana neHerentals College.

DeMbare yakagara pechi17 palogo uye ikasasunga dzisimbe inogona kuburitswa muPSL, yonanga kuDivision One mwaka unotevera.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×