MUMIRIRIRI weNyanga South mudare reNational Assembly, Cde Supa Mandiwanzira – avo vanovazve gurukota rezvemichina yekufambisa mashoko neposvo – vanoti vane chishuwo chekusimudzira dzidzo kuNyanga kuburikidza nekuvakisa zvikoro nekuzviwanisa midziyo yekushandisa.
Nguva pfupi yadarika, Cde Mandiwanzira vakapa masaga esimende anodarika 500 kuzvikoro zvipfumbamwe zviri mudunhu iri kuti ishandiswe kuvaka dzimba dzeEarly Childhood Development (ECD) nedzimwe dzevana vepuraimari nevesekondari avo kwemakore akawanda vange vachidzidzira pamhene.
Zvimwe zvezvikoro zvakabatsirwa nesimende iyi ndezvinoti Nyatate Secondary, Nyarumvurwe Secondary neKairezi Primary.
“Hurumende yakauya nechirongwa chakakosha cheECD. Asi dambudziko rakavepo nderekushaikwa kwezvivakwa zvekudzidzira. Dzimwe nguva tinoona vadzidzi veECD vachidzidza vakagara pasi pemiti. Nekuda kwedambudziko iri, takaona zvakakodzera kuti titsvage rubatsiro rwesimende kumakambani akazvipira tichibva taiendesa kuzvikoro izvi kuti zvivakwe dzimba, vana vawane pekudzidzira pakanaka,” vanodaro Cde Mandiwanzira.
Vanoti vari kubatsira zvikoro izvi nezvinodiwa sesimende apowo vabereki nekune rimwe divi vachibatsirawo nejecha nekukanya zvidhinha.
“Kuburikidza nemushandirapamwe nevabereki nevechidiki vemunharaunda iyi, tiri kuona budiriro huru. Kunyangwe vadzidzisi vanofara kana vachishandira muzvikoro zvakanaka.
“Tiri kuvakisa zvimbuzi muzvikoro umu nekuti tinorwira utano hwevadzidzi nevadzidzisi vanove vakabata remangwana renyika.”
Kunze kwesimende, Cde Mandiwanzira vari kubatsira zvikoro
izvi nemawindow nemadoor frame, zvose nemagonhi acho.
“Tine gonyeti rakangomirira kutakura simende riri kugarira munzvimbo umu.
“Tiri kuvakisa zvakare mizinda yekufundira makombiyuta nedzimba dzekuverengera kuti tisimudzire dzidzo. Takaonawo kuti vana vari kumaruwa vari kusaririra munyaya dzeruzivo rwechizvino-zvino nekuda kwekuti muzvikoro mavanenge vari munenge musina midziyo yakakwana. Ndiko kusaka takavavakira macomputer lab,” vanodaro.
Cde Mandiwanzira vanoti vagari vemudunhu ravo vari kufara zvikuru neshanduko iyi.
“Dzimba dzekufundira makombiyuta takavaka nhatu paGairezi Secondary, mbiri paNyarumvurwe Secondary nepaCross Dale Secondary. PaSt Mary’s Secondary, takapa rubatsiro rwemidziyo yemitambo yecricket, tikapa makombiyuta paMagadzire Primary chinova chiri kwaTangwena pedyo nebodha reMozambique pamwe nekuvaisira masaisai eWIFI,” vanodaro.
Cde Mandiwanzira vanoti vakabatsira zvakare mukuvakisa zambuko rakange radhirika reNyangombe.
“Zambuko reNyangombe range rave nenguva refu rakadhirika zvinova zvange zvoita kuti vana vakundikane kuenda kuchikoro, zvikuru munguva yekunaya kwemvura. Vadzidzi vekwaRuchera vange vasisakwanise kuenda kuMapako Secondary School zvekuti vamwe vange voyambutswa nehwato zvinova zvaive nenjodzi.”
Vane tarisiro yekuvaka zvimwe zvikoro mudunhu iri nedonzvo rekuti vana vasafambe nzendo refu kusvika pachikoro chiri pedyo navo.
“Vana havafanire kufamba makiromita akawanda kusvika kuchikoro. Kuti dambudziko iri ripere, tichavaka zvikoro zvakawanda zvepuraimari nesekondari nekuti ndizvo zvimwe zvinoita kuti vana vapedzisire vave kudofora nekuti vanopedza nguva vachienda kuchikoro,” vanodaro.




