RONGEKAI: CARLOS MAX . . . ‘Nhabvu haina kwairi kuenda’

SHASHA yakamboita mukurumbira ichitambira zvikwata zvakaita seArcadia United, CAPS, Dynamos nemaWarriors – Carlos “Murehwa” Max – anoti nhabvu yemuno inobudirira chete kana zvikwata zvemuPremier Soccer Legaue pamwe nemasangano anozvitsigira vakarongeka.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Max akati nhabvu yemuno yave nemakore isina kusanduka nekuti masangano anotungamira pamwe nezvikwata zvacho hazvisi kukoshesa kusimudzira vechidiki.

Anoti kuti iye azoita mukurumbira munhabvu, akakurira muchikwata cheArcadia United kubva kuvadiki kusvika azotambira vakuru.

“Ndichitarisa nhabvu inotambwa muno, hapana kwairi kuenda nekuti kana tisati tarongeka kubva kuvatungamiri vayo kusvika kuzvikwata hapana kwatinoenda.

“Tinofanirwa kugadzirisa zvinhu zvakawanda, kusanganisira nyaya yekusimudzira vechidiki nekuti ndipo pamwe patiri kurasika,” anodaro Max. Max panguva yaakatamba nhabvu akahwina mikombe yakawanda kuzvikwata zvinoti Arcadia United, CAPS neDynamos.

Anoti kune zvimwe zvikwata zvakarongeka zviri kusimukira zvakaita seChicken Inn, FC Platinum neHarare City izvo zvave kurwira mikombe mikuru seyePSL neChibuku Cup.

“Kuhwina kwakaita Chicken Inn mukombe wePSL mwaka wadarika kozoti Harare City iyo yakatora Chibuku Super Cup kunoratidza kuti kana chikwata chakarongeka chinokwanisa kuita zvakanaka.

“Zvikwata izvi zvinotsigirwa nemasangano nemakambani ayo ari kudira mari kuti zvisimukire. Kwete kuti munhu mumwe chete ndiye anenge achiti chikwata ndechake uye ndiye anochitungamira.

“Vanotungamira zvikwata zvacho vanhu vamwe chete vanoshanda kumasangano acho anenge achichitsigira.”

Max ari musangano reZimbabwe Football Legends iro anoti riri kushanda zvakasimba kuti rivake patsva mutambo wenhabvu yemuno.

Anoti shasha dzose dzakanetsa munhabvu kare dzakabatana kuti dzidzoreredze mutambo uyu sezvawainge wakaita kare.

“Shasha dzakanetsa kare takawanda uye tose chivimbo chedu kuona mutambo uyu uchikura uchizonakidza sezvauri kuita kune dzimwe nyika. Takabatana mubasa iri, tiri kushanda nesimba kuti nhabvu iende kure,” anodaro Max.

Obvunzwa kuti ndechipi chikwata chaakatambira zvinomufadza Max anoti:

“Nhabvu ndohwakange huri upenyu hwangu uye zvose zvikwata zvandakatambira ndaingonzwa kufara sezvo ndainge ndine mukana wekuita zvinhu zvandaida. Asi Arcadia yaireva zvakawanda kwandiri nekuti ndiyo nzvimbo yandakakurira ndikadzidzira nhabvu yangu. Kozoti kuKepekepe ndiko kwandakahwina kakawanda.”

Max akatambira Warriors panguva yaakanetsa yeDream Team apo airairidzwa nemushakabvu Reinhard Fabisch.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×