Shasha dzemarathon dzonomirira nyika kuJapan

Abel Ndooka

SHASHA dzemarathon dzinoti Isaac Mpofu, Tendai Zimuto naFortunate Chidzivo ndidzo dzichanomirira Zimbabwe kumujaho mukuru weWorld Championships, uwo uchaitirwa kuTokyo, Japan, muna Gunyana.

Vatatu ava vachanomhanya marathon, kwozoti vamwe, vanoti Makanakaishe Charamba, Tapiwanashe Makarawu naVimbayi Maisvorewa, vachamhanya mijaho yematrack.

Achitaura nguva pfupi yadarika, mutungamiri weNational Athletics Association of Zimbabwe, Tendai Tagara, anoti sangano rake riri kushanda nesimba kuona kuti vamhanyi vese ava vange vakagadzirira apo vakatarisana nekuenda kumakwikwi aya.

Anoti pari zvino vari kushanda zvakasimba nenyanzvi dzemarathon dzinoti Mpofu, Zimuto naChidzivo, avo vari mukembi muHarare, umo vari kuita gadziriro dzavo.

“Shasha dzedu dzemarathon, Mpofu, Zimuto naChidzivo dziri mukembi muHarare kubva kutanga kwaKubvumbi dzichiita gadziriro dzekuenda kuTokyo, kuJapan. Tiri kufara tichiona kuti gadziriro dzavo dziri kufamba zvakanaka.

“Tiri kutarisira zvakawanda kubva kwavari.

“Naizvozvo, tiri kuchema kune vanokwanisa kupindira kuti huyai mutibatsire nezvakasiyana-siyana kuti tigotumira shasha dzedu idzi kuJapan muna Gunyana kunotimirira
kumujaho uwu,” anodaro Tagara.

Achitaurawo pamusoro paCharamba, Makarawo naMaisvorewa, avo vanogara kuUnited States, Tagara anoti vari kuita gadziriro dzavo vari munyika iyi.

“Kuchiti vamwe vatatu avo vanogara munyika yeUS vanoti Charamba, Makarawo naMaisvorewa, tiri kutevera gadziriro dzavo tichikurukura navo, tichinzwa kuti vari kuita gadziriro zvakanaka here.

“Asi tine mufaro mukuru nekuti vose vatatu ava vari kukwikwidza mijaho yakasiyana uye vari kuita zvinofadza.

Tinoziva kuti vachasimudza mureza wenyika apo vachaenda kuJapana muna Gunyana,” anodaro Tagara.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *