‘Zita remadunhurirwa Warriors rine munyama’ . . . ngatisiyane naro

Munyori weKwayedza

MUMWE murairidzi mukuru wepaUniversity of Zimbabwe anoti chikwata chenyika chenhabvu chinofanirwa kusiyana nezita remadunhurirwa rekuti Warriors nekuti rine munyama ne‘mhepo’ yakaipa.

Dr Tafara Marazi, uyo asingaone uye ari senior sociology lecturer paUZ, mutsigiri mukuru wemaWarriors.

Anoti anotenda kuti yakwana nguva yekuti maWarriors achitsvagirwe rimwe zita remadunhurirwa.

Dr Marazi anoti zvinofanirwa kucherechedzwa kuti maWarriors akatamba zvinodakadza mumitambo yepasi rose apo aidaidzwa kuti ‘Dream Team.’

Panguva iyi, chikwata chenyika ichi chaitungamirirwa naReinhard Fabisch uye chakasimukira zvakanyanya pachikero chenhabvu izvo zvakaona chichienda panhamba 46 pasi rose.

Dream Team yakapotsa nepadiki kuhwinha mumutambo wayo wekupedzisira kuti ipinde mumakwikwi e1994 FIFA World Cup.

Dr Marazi anoti chikwata ichi chaifanirwa kunge chakapinda mumakwikwi aya kudai Fabisch asina kusiya mutambi wepakati, Shepherd Muradzikwa, mumutambo wekupedzisira.

“Tinofanirwa kutsvaga rimwe zita remadunhurirwa,” anodaro Dr Marazi.

“Ndinoona sekuti zita remadunhurirwa iri mucherechedzo wemunyama. Mune simba muizwi. Tinodaidza chikwata chedu kuti Warriors.

“MaWarriors echii? Zita remadunhurirwa iri riri kubva kupi? Midzi yaro iripi uye nhoroondo yacho ndeyei? Handifunge kuti madzitateguru edu anofara nesu nekudaidza chikwata cheku kuti Warriors.

“Unokwanisa kuona kuti rakabva nekupi kana wakaita zvidzidzo zvenhoroondo (history), handifarire zvarakatakura uye ndizvo zviri kupa chikwata chedu munyama.

“Hatikwanise here kusandura zita remadunhurirwa iri togoona zvinoitika? Fabisch aive neDream Team uye tinoziva zvakaitika.

“Ini ndinofunga senyanzvi yezvemagariro evanhu uye mukudzidziswa kwedu kwedzidzo, tinosimbisa basa retsika munharaunda, kuti zvine nzvimbo sei uye kusvika papi pamamiriro ezvinhu aripo.

“Ndiani akatumidza zita remadunhurirwa iri uye nechikonzero chei?”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×