Zvirongwa zvekuchengetedza mvura, ivhu zvaparurwa

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE, ichitsigirwa neFood Agriculture Organisation (FAO – China South to South Triangular Cooperation Programme, yakaparura zvirongwa zviviri zvekuchengetedzwa kwemvura munyika uye ivhu senzira yekusimudzira nyaya dzekurima kune pundutso.

Gurukota rebazi rezveminda, kurima, hove, mvura, madiridziro nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa — Dr Anxious Masuka — mumashoko avo avakataura vakamirirwa nemunyori mukuru mubazi ravo, Professor Obert Jiri, vanoti zvirongwa zviviri izvi vakakosha zvikuru munyaya dzekurima.

“Senyika, tinofara kuti taparura zvinongwa zviviri zvinoti “Capacity Development for Sustainable Soil Management in the Global South uye National Water Roadmap Towards 2030 Sustanable in Zimbabwe. Zvirongwa izvi zvinotipa miono yemberi takatarisa budiriro yenyika nekuti ivhu nemvura ndizvo zvinhu zvakakosha munyaya dzekurima, kana zvisipo hakuna kwatinoenda senyika,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti munaKukadzi 2023, Zimbabwe yakaita chirongwa chikuru cheAfrica Regional Water Conference segadziriro yeUnited Nations Water Conference zvinoratidza kuti mvura yakakosha mukurima uye muraramo yevanhu nezvipuka zvese zviri panyika.

“Zimbabwe ine ivhu panzvimbo yakakura riri remhando yejecha uye richibva kumatombo egranite ayo anopfupfunyuka achitora chikamu che70 percent cheminda. Chikamu che30 percent, chinosara chine ivhu dzvuku rine kudya kwakakwana kunodiwa nezvirimwa. Zvisinei, chikamu chikuru cheivhu redu che70 percent hachina kudya kwakakwana kunosanganisira nitrogen, phosphorous nepotassium saka panoda ongororo yakasimba kuti tingaita sei senyika kuti tive nevhu rinopa kudya kwakakwana kuzvirimwa. Ivhu dzvuku iroro rine matambudziko ekuwandirwa nemvura richisara rakaita dope uye kumwe kudya kwaro kuchiyeredzwa nemvura,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze dziri kukanganisa zvekare goho sezvo mimwe mwaka mvura iri kunaya iri shoma.

“Madhamu ari kutarisanawo nekushomeka kwemvura kureva kuti zvirimwa, hove nezvese zvinorarama nemvura zvinopinda panyatwa,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti kana pachitaurwa nezvemvura panotarisawo zvekare mhando yemvura inowaniswa kuvanhu apo yakawanda yacho, kunyanya inoshandiswa neveruzhinji inobva kumadhamu akadai seLake Chivero, iri kusvibiswa netsvina yesuweji neinobva mumaindasitiri.

Izvi, vanodaro, zvava kudhurira kanzuru yeHarare kuti inge ichichenesa mvura iyi.

“Hurumende kuburikidza nezvirongwa zveWater Sanitation Hygiene (WASH), ine donzvo rekuona kuti veruzhinji vawaniswa mvura yakachena nekuchera zvibhorani kumaguta nekumaruwa pasi pePresidential Borehole Drilling Scheme uye yakaparura chirongwa cheRural Development Model 8.0 chiri maringe nekurwisa nzara nehurombo. Izvi zviri kuitwa kuburikidza nekusimudzira maindasitiri ezvekurima pasi pemuono weVision 2030 wekusimudzira hupfumi hwenyika uye kurwisa nzara nehurombo,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti Zimbabwe ine mukana wekuchengetedza huwandu hwemvura hunosvika 47.3 bhiriyoni cubic litres asi pari zvino iri kuchengetedza 10.589 bhiriyoni cubic litress (22.4%) mumadhamu senzira yekurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

Mamwe madhamu akadai seGwayi-Shangaani neKunzvi ari kuvakwa zvekare kuti nyika ive nemvura yakaringana.

“Mvura yatinayo inokwanisa kushandiswa semadiridziro pamahekita 2 miriyoni tichitorima pamwe nekutengesa kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Dr Patrice Talla, avo vanova FAO sub-regional coordinator kuchamhembe kweAfrica, vanoti pasina ivhu rine kudya kwakaringana uye mvura yakakwana, mabasa ekurima haaendeke.

Mumiriri weChina muZimbabwe, Ambassador Zhou Ding, vanoti ruzivo rwunofanira kukwenezverwa kuti pange pachiitwa ongororo yakasimba inobatsira kuti ivhu riwaniswe kudya kunodiwa nezvirimwa.

“China yava nemakore anosvika 45 ichidyidzana neZimbabwe uye inoramba ichibatsirana nevagari vemuno munyaya dzekurima, dzidzo, kucherwa kwezvibhorani nezvimwe zvakawanda zvinounza budiriro,” vanodaro.

Zvakadaro, sangano reZimbabwe National Agricultural Soil Research and Education Centre (NASREC) riri kuvandudza chirongwa chekuchengetedza ivhu.

Mabhindauko aya anotarisirwa kuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro inoendeka izvo zvinosanganisira kurwisa hurombo (SDG 1), kurwisa nzara (SDG 2), kuwaniswa mvura yakachena kune veruzhinji nehutsanana (SDG 6), kurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze (SDG 13) nekodzero yekurarama nekuita zvinoendeka (SDG 15).

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×