Baba ‘vorapa’ mwana tsviyo nekumubhinya

Kingstone Mapupu MUKADZI wekuEpworth ane makore 38 ekuberekwa, uye ane dambudziko rekurwara netsviyo, anoti ashaya zvekuita nababa vake avo vakabvira kumubata chibharo apo ainge achiri mudiki dakara pari zvino apo…

‘Ndibhadhare $60 yekufugura hembe’

Sandy Musungata CHEMBERE yekurumwa nembwa ndokuzoendesa muvakidzani wayo kudare ichida kupihwa mari yayakashandisa kuzvirapisa, yakasetsa vanhu vaive mudare apo yakati yaidawo kubhadharwa kuonererwa kwayakaitwa nevanhu apo yaifugura hembe ichiratidza

Akanyn’ura adanana nemwana

Shamiso Kufaruwenga SAIMBA wekudanana nekasikana kane makore 16 okuberekwa, ako aishinha nako pamadiro, akaigochera pahutsi apo akatongerwa kunopika jeri kwemwedzi 20 nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts. Muchuchisi Victoria Mushayabasa akati Tapiwa Kasonga…

Vahosi nanyachide zvaburana

Arnold Kaseke VAHOSI nanyachide vakaendesana kumatare vachirwira murume apo mudzimai mudiki aiti ari kushungurudzwa zvisina mukare akamboona pamwe nekuvimbiswa rufu. Idah Mainato akazvuvira Sarudzai Gute kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare. Akati:…

Akazvamburwa arutsira mubhawa

Nyore Madzianike MUKADZI wekuMabvuku neshamwari yake vakatarisana nemusuwo wejeri mushure mokuzvuvirwa kudare vachipomerwa mhosva yekurova pamwe nekubira mumwe mudzimai ainge amurutsira mubhawa. Nyarai Ngwerume (33), uyo anogara panhamba 32 Gwababa Street,…

Nyakutsakatikira kun’anga, akazowanikwa kusowe

Nyasha Mutena MUKOMANA wekuChitungwiza wekubuda mubepanhau rino achinzi akatsatika kun’anga uko ainge aendeswa kunorapwa chirwere chepfungwa akawanikwa svondo rino ari pane rimwe sowe riri kuKuwadzana 7, muHarare. Mitchell Zhanje (20), uyo…

Mwana ‘wemusango’ ofurufusha amai

Yvonne Chipato MUKADZI wekugara achinetsana nemwana wemurume wake akaenda kudare achiti anotukirirwa nezvinyadzi. Judith Mutisi akamhan’arira Pace Chikunda kuHarare Civil Court achiti inhubu chaiyo sezvo achimushungurudza pamwe chete nevana vake.…

Zimbabwe haina kungouya nyore

NEMUSI weMuvhuro, 11 Nyamavhuvhu, svondo rinouya zvizvarwa zveZimbabwe zvichabatana pazuva rekurangarira magamba akazvipira kurwira rusununguko rwenyika ino kubva kuhutongi hwevapambepfumi. Iri ndiro rimwe remazuva akakosha zvikuru munhoroondo

Okwidzwa ndege nekudhirowa . . .kasikana konomirira zimbabwe kujapan

Nyasha Mutena MWANA ane makore 5 ekuberekwa uyo achiri padanho reECD kuchikoro, ari kushura mare nekugona kudhirowa uye akatotarisana nekupinda mumakwikwi enyika dzepasi rose ayo achaitirwa kuJapan nguva pfupi inotevera. Vanesa…

‘Kurudzira mitambo yetsika nemagariro’

Daphne Machiri ZVIKORO zvinokurudzirwa kuti zvikoshese dzidzo yemitambo yakaita semadhirama sezvo vamwe vana vachikwanisa kuwana raramo kubva mairi mune remangwana. Kurudziro iyi yakaitwa svondo radarika nemukuru anoona nezvemadhirama muHarare musangano reNational

×
×