Chikwata chevasungwa chokurumbira
Arnold Kaseke CHIMWE chikwata chine nhengo dzinosanganisira vaimbove vasungwa pamwe nevamwe vachiri mumajeri choita zvinorova munyaya dzemimhanzi.
Varimi venyuchi voita musangano
VARIMI vanopfuya nyuchi pasi rino vachange vaine musangano mukuru unove wekutanga kuitwa muZimbabwe wekupangana mazano pamusoro pezvavangaite mukuvandudza basa ravo.
Geza kuti Mwari akunzwe!
ZVISINEI kuti vamwe vanhu vari kurasa magariro avo echikari vachiti pasi rarohwa nenyundo, verudzi rwechiChewa kwaMusana havasi kusiyana netsika dzavo dzakaita sekuchecheudzwa kwevanhurume uye kudzidziswa
Churchill, Girls High zvakadadisa
ZVIKORO zvinoti Churchill Boys High neGirls High ndizvo zvakakunda kumakwikwi eNational School Heads U20 Top School Basketball Tournament ayo akatambirwa kudunhu reMatabeleland South nguva pfupi yadarika.
‘Makondomu kuvana vechikoro bodo’
VANA vechikoro vane kodzero yekuwaniswa dzidzo yakazara maererano neshanduko inoitika mumiviri yavo apo vanenge vachiyaruka pamwe neruzivo rwakadzama pamusoro pezvirwere zvepabonde nekudzivirirwa kwazvo.
A-LEVEL — MUBAIRO: George aperezeka muviri
CHITSAUKO 16 (Nyaya yacho) Mangwana acho Mai Chimanga vanofunga zvekudzokera kuChiweshe izvo zvinoshamisa George asi hapana
Sangano robatsira varimi
RIMWE sangano rakazvimirira reClimate Smart Trust rosimudzira mabasa ekurima kumativi mana enyika kuburikidza nekubatsira varimi mumabhindauko akaita sekurima howa, maruva nekupfuva hove.
‘Handisi shoroma, ndinokoma mapoto’
Yvonne Chipato MUKADZI wekunyeperwa neaimbove mudiwa wake kuti ishoroma akazoshamisika mudare audzwa kuti anoita basa rekukoma mapoto achitengesa.
Maporofita enyoka tinoaziva
NDAKAMBOZVIONA zvekuti maporofita anosvika panzvimbo oita ruzha nemasaramusi achiudza vanhu kuti zvanga zvichivanetsa zvapera. Asi kana maporofita aye aenda, zvinhu zviye zvotanga kutonyanyisa.
Hatidi rusarura kuvana: Dokora
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti rakatanga chirongwa chekuvandudza ruzivo rwevarairidzi nedonzvo rekuti vakwanise kudzidzisa vana vakaremara pamwe chete nevasina zvine hunyanzvi.








