Vakapihwa mibairo neunicef nefao
MASANGANO anoti reFood and Agricultural Organisation (FAO) neUnicef svondo rapera akarumbidzwa nekusimudzira kwaari kuita dzidzo muZimbabwe kuburikidza nekubatsira vana vanoshaya, zvikuru kumaruwa.
Akadzurwa bvudzi nemurume
Yvonne Chipato MUKADZI wekudzurwa vhudzi mumusoro nemurume wake uyo waanoti anogara achimuzvindikita akazopotera kudare.
Koshesai kugeza mawoko: Parirenyatwa
ZIMBABWE svondo rapera yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva rekukosha kwekuchengetedza utano kuburikidza nekugeza mawoko (Global Handwashing Day).
Vechidiki vowaniswa mabasa
VAGARI vekwaMakuvise, kwaNyashanu kudunhu reBuhera, vanoti vari kufara zvikuru nekuda kwemakambani ari kushandirako ayo ari kupinza vechidiki veko mabasa.
Mbavha dzakarima nechisi
MBAVHA mbiri dzekuChitungwiza dzekubatwa nemhosva yekurura nekubira vanhu midziyo yavo yakaita semawindow frame nemadoor frame padzimba dzinenge dzichivakwa dzakatongerwa kunodya refovhoro
‘Pavarume ndinotowanikwa neatanga’
MUKADZI wekupotera kudare mushure mekurikitwa nemurume wake achipomerwa kuita zvikomba akati haangagare nemhondi iye aine runako “rwunonwisa mvura zvekuti ndinowanikwa neatanga”.
Maporofita onangana huroyi
PADARE raShe Matsiwo, kuGuruve, panonzi pakamuka chimoto nguva pfupi yadarika apo mamwe maporofita echechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku vakanangana huroyi vachirira nendimi.
‘Wakandivhevhetedza ndikakuitira mwana
Orpah Mukotekwa MUSIKANA wekunyengedzwa nasaimba kunzi amuzvarire mwana ndokuzosiiwa pachena akazoendesa nyaya iyi kudare reHarare Civil Court otsvaga mari yekuriritira mwana.
Muparati obhadhara mendenenzi
MUKUWASHA wekusiya vana vake vachidya nhoko dzezvironda vachigara naambuya vake akazogurwa kunorira apo akazvuvirwa kudare ndokutemerwa kuti abhadhare $60 yemendenenzi pamwedzi.
Varairidzi vatatu vakabviswa
VABEREKI nevadzidzisi vepaRutope Secondary School vakazoita musangano nemusi weChipiri svondo rino uyo wainge wakananga kupedza dambudziko revanasikana vaviri vemhuri imwe chete vanodzidza apa avo vanonzi vari

