Muporofita akatova chitunha . . . husiku hwose

VANHU vakagariswa patsva kuShanga, kuBeatrice, vakasara vasina neremuromo apo mumwe muporofita wechechi yeJohane Masowe weChishanu akaita husiku hwose achinamatira chitunha chemukuwasha wake achiti chaizomuka

‘Ndakakudira kunditakura mahara’

Mathew Masinge MUTYAIRI wematekisi wemuguta reHarare, uyo anonzi ane meso-meso sezvo achipfimba vakadzi vaanotakura, ari kupomerwa kutadza kuchengeta mhuri yake.

Zvikoro zvakavhurwa

KWAKANGE kusingadanwe anonzwa muguta reHarare neMuvhuro svondo rino apo vadzidzi vaidzokera kuzvikoro ukuwo vamwe vabereki vari mushishi kutsvagira vana vavo zvipfeko nemidziyo segadziriro yekuzarurwa kwetemu

Ndasiya nhabvu: Kuda Mahachi

MUTAMBI wenhabvu wechikwata chenyika chemaWarriors, Kudakwashe Mahachi, anoti anogona kuturika shangu dzake ombodzokera kuchikoro sezvo mwaka wenhabvu wegore rino asina kunyoreswa nechikwata chaaitambira

MAONERO EDU: Maporofita nen’anga: Veruzhinji ngwarirai

MAZUVA ano vanhu vari kuzviti maporofita kana n’anga dzemandiriri vari kuwanda zvikuru. Vamwe vacho vanenge vaine makore ari pasi pe20 okuberekwa izvo zvaunobva wazvishairwa shumo yazvo.

‘Hukama neWorld Navi hauparari’

SACHIGARO weNorthern Region Soccer League, Willard Manyengavana, anoti hukama hwavo nekambani yeWorld Navi iyo yaivakotsvera mwaka wadarika haumboparara kunyangwe hazvo gore rino yakambomira kuvatsigira.

Mabhishopi vaiva pabira ren’anga

KWASHE Chundu, kuHurungwe, kwakaitika zvinorova nemusi weMugovera svondo rapera pamberi apo kwakaitwa bira rechivanhu iro rakapindwa nen’anga nevamwe vakuru vemachechi vakaita semabhishopu — mumwe

Chiporofita chine profit

TOSE zvedu takambosangana nevamwe vanhu vanozvida, uye vachidada zvekuti vanenge ndivo vanoita kuti zuva ribude, nemaruva atumbuke. Vanhu vakadai kana vakada kuzvininipisa, zvinongooneka kuti vari kumanikidzira nekuti

Ngozi yobata sahwira

NGOZI yababa nemwana avo vakapondwa makore 37 adarika iri kuita kubaka semoto vachipfukira imwe mhuri yekwaMuusha, kuNyanyadzi kudunhu reManicaland, izvo zvamanikidza hama dzevakapara mhosva iyi kunopotera

Takazvipira: NRZ

KAMBANI inotakura veruzhinji pamwe chete nezvinhu zvakatsaukana, yeNational Railways of Zimbabwe (NRZ), inoti yakazvipira kusimudzira upfumi hwenyika nekuita basa rayo nenguva nedonzvo rekuzadzisa zviri

×
×