‘Ndinodashurwa nemudzimai’

Janet Chikotosa MUMWE murume anoti akakandiswa mapfumo pasi neaimbova mudzimai wake uyo aigara achimuzvambaradza nekumutuka izvo zvakazoita kuti amutize achinotsvaga mumwe mukadzi.

Kugara nenyoka kutyora mutemo

NYIKA ipi zvayo, kusanganisira Zimbabwe, ine mitemo inofanira kutevedzwa uye vose vanotyora mitemo iyi vanofanira kunge vachirangwa zvakaringana.

Mwana haadi kuona maroja

Janet Chikotosa MWANAKOMA ane katsika kekudzinga maroja pamba zvisina tsarukano apo amai vake vanenge vasingazvizive akazogadzwa dare.

‘Wakandisota kuti ndisazvare’

Sandy Musungata MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achinzi anomushungurudza, akati mudzimai uyu akamusunga nemushonga kuti atadze kusasana nemamwe madzimai.

Anofushira baba vapenyu nendove . . . Ovabvarurira mabhurugwa . . . Vana vavo vasikana varipo

Yvonne Chidochashe Manyanja VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati mwana wake anomushungurudza zvakanyanya uye akambomufushira katatu kose mumanyowa emombe pamwe nekumubvarura bhurukwa rake akasara akashama

‘Ndakapotsa ndafira mombe’

Janet Chikotosa MUMWE mukadzi anoti murume wake akamboedza kumuuraya nekumuvhara mhuno kuitira kuti atadze kufema mushure mekunge atengesa mombe yavo nechinangwa chekuti mhuri iwane mari yechouviri.

‘Musazeze, batai munhu’

MASANGANO anomiririra maporofita nen’anga vari kushona maitiro edzimwe nhengo dzawo, idzo dzinozviti vanatsikamutanda vari kurozva veruzhinji mari nehumwe hupfumi kuburikidza nekushandisa chikiribidi.

Mambo Chihota vobatsira chikoro

Janet Chikotosa MAMBO Chihota vekuMarondera, VaRaphael Chigodora, vari kusimudzira dzidzo mudunhu ravo kuburikidza nekuvandudza dzimba dzekufundira pamwe nekubhadharira vamwe vana mari dzechikoro.

DETEMBA TINZWE: MVURA

Charmaine Micho Mvura, mvura, mvura Ini ndinonzi mvura

kwakabva zita: Domboramwari

Epworth,kuno kuEpworth kune nzvimbo inonzi Domboramwari.Dombo iri rine mudhindo wetsoka yemunhu uri pamusoro paro.

×
×