Tapirirwa nezvinyenza

Muchaneta Chimuka KUDYA kwechinyakare kuri kuonekwa kwakakosha mukusimbaradza utano hwemhuri nekuti kune twese twunodiwa mukuvakwa muviri. Svondo rino, Kwayedza yakashanyira Paroots Restaurant, muguta reHarare, apo panobikwa

Makwikwi eAfrican Woman of the Year

Munyori weKwayedza VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year. 

Voshandisa Facebook kudzidzisana hutano

RIMWE sangano rinomiririra vechidiki roshandisa dandemutande reFacebook mukuvapa dzidziso pamusoro peHIV neAids pamwe nenyaya dzepabonde kuitira kuti vave neremangwana rakajeka. Safeguard Young People (SYP)

‘mimba’ isingazvarwe

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekwaNjelele, kuGokwe, anoti ane pamuviri pasvika makore matanhatu pasina kusunungukwa uye anofungira kuti akaroyiwa izvo zvinozivikanwa nekunzi kusungwa pachivanhu. Mai Ottillia Mpofu (51) vemubhuku raMashovo, vanoti vane…

Mota ngaitakure zvine mwero: tscz

Muchaneta Chimuka VATYAIRI vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatakure vanhu zviri pamwero nechinangwa chekudzivirira tsaona dzemumigwagwa sezvo motokari imwe neimwe iine huremu hwainofanira kutakura. 

Vakadzi vaitamba vari musvo

Kingstone Mapupu VAGARI vekwaMurambinda Growth Point, kuBuhera, vanonzi vakaita chipatapata husiku hwemusi weChishanu svondo radarika pamberi vachimhanyira kunoona vakadzi vaitandadza vanhu mune rimwe bhawa vachitamba vari

Kugadzirira shoo yevarimi

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig SHOO mukana unopihwa varimi munharaunda mavo kamwe chete pagore kuti varatidzire pamwe nekukwikwidzana kuchitsvagwa kuti anogona kudarika vamwe ndeupi. Zvakanakira zvakare kuti murimi anenge achizvikwikwidza oga…

Vechidiki vorima mbatatisi

Muchaneta Chimuka VECHIDIKI vazhinji kudunhu reNyanga South vanonzi vari kubatsirikana zvikuru kuburikidza nekuwana raramo kubva mumabhindauko akadai sekurima mbatatisi vachitengesa. Mabhindauko aya akavambwa nemumiriri

‘Kutamba ini ndakatyoka gumbo . . .’ndakaita mashura: murape

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu akambonetsa ari kuchikwata cheDynamos FC, Murape Murape, anoti chishamiso kwaari kuti akakwanisa kutamba kwemakore anodarika 17 zvichitevera kutyorwa kwaakamboita gumbo rake. Mugore ra1997, apo

Mukuru weica Sport akarikitwa nevatambi

Abel Ndooka YAKAVE bata-murefu, bata-mupfupi svondo radarika paPlatinum Lounge, kuZvishavane apo technical director weICA Sport, Julius Chakupewa, akaitwa kanyama-kanyama neshasha dzakanetsa munhabvu dzemuno

×
×