Kuvandudza dzidzo kuri kuda $16m

Daphne Machiri GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti pari kudiwa mari inosvika $15,7 miriyoni yekuti chirongwa chekuvandudza dzidzo (New Education Curriculum) chinge chichibudirira mukufambiswa kwacho

Vakuru vezvikoro musabatirire vana

GORE roga-roga panobuda zvinenge zvakanyorwa nevana pabvunzo dzeO- neA-Level panotoitika nyaya dzevamwe vanonyimwa zvinenge zvakabuda pabvunzo idzi nevakuru vezvikoro nekuda kwezvikwereti. 

ollah 7: ndinoisa mwari mberi

Kingstone Mapupu MUSHAMARARI ane mukurumbira panhepfunyuro yeStar FM, Owen “Ollah 7” Madondo, anoti kunamata ndiwo musimboti wekurarama kwake pamwe nebasa rake. Ollah 7, uyo kumusha anobva kwaRukweza, kuNyazura, mudunhu

Akaremadzwa nemuteuro

Yvonne Chidochashe Manyanja VANHU vaive mudare vakaoma mate mukanwa apo mumwe mukadzi akati akaremara gumbo mushure mekunge murume wake, uyo anove muporofita, amumwaya mvura yemuteuro achimupomera kuti muroyi. Izvi zvakabuda…

‘Ndiwe wakandizadza chirwere’

Janet Chikotosa MUKADZI wekuti murume wake akamupa chirwere ndokuzomudzinga muimba yekurara kuti awane mukana wekusasana neshamwarikadzi yake akazochema mudare neshungu. Jennifer Lunga akaudza dare reHarare Civil Court

Ndine dzungu: Hwindi

Malven Mugadzikwa MUTYAIRI wekombi wekuendeswa kudare nemukadzi wake nenyaya yemendenenzi akachema-chema achiti haakwanise kubhadhara mari yekuriritira mhuri yake sezvo akambomira basa nekuda kwedambudziko rekunzwa

Onetserwa chikwereti

Janet Chikotosa MUKADZI wekuti ari kushungurudzwa nemushandi wepakambani yake nekuda kwechikwereti chemari yemuhoro yaasati amupa akazopotera kudare.

O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSI / SHOKO HARIVHIKWI…Pondai anouraiwa

Munyaradzi Gunduza MUSEVE USINGAPOTSI Madingindira (Tinoenderera mberi). Hondo inokokwa naPondai inokonzera rufu rwaGutsa naMarizani naMambo Chakaingesu, ivo vachizouraiwawo naPondai. Dingindira rehondo rinozadziswa naKaringe anorwisana naMambo Tineshungu achivavarira kudzora hanzvadzi dzake…

A-Level – Masimba…Sidubi Mafu anosvika

Ticha Tichaziva “KUROORERA KURE” naElizabeth Jackson (69-71) Nyaya yacho (Enderero mberi): Vaviri ava havasi kufadzwa nekufa kwemwana wavo, amai vemwanakomana ndokunzwikwa vava kutuka MaDhuve. Baba vanofunga zvekuti vatsvage mari vaende…

GRADE 7…Zviri maererano nekufu kwemunhu

Ticha Danga MAZUVA ano tinoti kana munhu arwara tinomuendesa muchipatara kuti arapwe agopona odzoka kumba ave mutano. Tinoti kana asina kunaya anodzoswa kumba kwake achipota achipepwa ariko.

×
×