Vane Covid-19 vasvika 63

ZIMBABWE kusvika nemusi weChipiri svondo rino yange yava nevanhu 63 avo vabatwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

‘Hatichangoda chero vayenzi’

MAMBO Zimunya vekwaMutare, kudunhu reManicaland, vanoti sedanho rekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munharaunda yavo nenzvimbo dzakavakomberedza, vakadzika murawo unoti vaenzi vose vanoshanyira mumisha yeko vanofanirwa kuziviswa kwasabhuku nekudare ravo uye vozivikanwa kuti vanenge vabva kupi.

Covid-19, masiki nemucheno

MAZUVA atiri echirwere cheCovid-19, pane zvakawanda zviri kuitika. Vanhu kugara kudzimba, vamwe varume vakavharirwa ne”lockdown” vari kudzimba dzavo kana kuma”small-house”, kuchitiwo vamwe vari kushungurudzana apo vanoswera nekurara vakadzvokorana izvo zvaisaitika apo vanhu vaifamba-famba.

Madzimai nevana voshungurudzwa

SANGANO rinomirira kodzero dzevanhukadzi, reMusasa Project, rinoti kushungurudzwa kwemadzimai nevana kuri kuwanda munguva ino yekunge vanhu vagere kudzimba serimwe rematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Zimbabwe ichiri mu’lockdown’ . . . Vanhu fambai muine matsamba’

HURUMENDE inoti nyika ino ichiri pakati pekurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19, nekudaro veruzhinji havasati vave kutenderwa kungofamba-famba vasina matsamba anovapa mvumo yekuita izvi asi kuti vagare kudzimba.

Ndasuwa nhabvu: Antipas

MURAIRIDZI weChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu uye kuramba akagara pamba nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwakurwadza asi ajaira sezvo zvichibatsira hupenyu hwake nehwevakawanda.

COVID-19 TINOIKUNDA: CHIPEZEZE

MUBATI wepagedhi wechikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors uye achitambirazve Baroka yekuSouth Africa, Elvis Chipezeze, anoti veruzhinji vanofanirwa kuzvipira mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuti chipere, vanhu vagokwanisa kudzokera kumararamiro avajaira.

Usadye huroyi nekunyara

CHIRWERE cheCovid-19 chashungurudza vanhu pasi rose.

Kuumba hukama ndiro donzvo

HUKAMA zvinoreva kuziva munhu waugere naye, muvakidzani wako, waunoshanda naye kuti amuka nekuswera sei, utano hwake, zvamurwadza, zvamugumbura, zvamufadza, uchigoverana naye kana chekudya chaicho, nokuti hukama igasva hunozadziswa nekudya.

‘Vanozvishandira imbomirai kuvhura’

CHIKAMU chevanoita mabasa emaoko ekuzviraramisa ayo anosanganisira kutengesa zvakasiyana hachisati chave kutenderwa kushanda nekuda kweCovid-19 mushure mekunge dare guru reHigh Court ratonga kuti ngachimboramba chakavharwa uye kuti vamwe vanoita mabasa akakosha vachitanga kushanda vachitevedzera zvisungo zvekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

×
×