‘Vakwegura vari panjodzi neCovid-19’
Muchaneta Chimuka VANHU vakwegura vanonzi vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kuderera kwemasoja avo emuviri izvo zvinoita kuti vave nyore kubatwa nezvirwere zvese-zvese nokudaro zvakakosha kuti vange vachidzivirirwa zvakasimba…
Matanho matsva opembedzwa
Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS VANAMUZVINHABHIZIMISI vari muchikamu chezvekushanyirwa kwenyika vanoti vanogutsikana kuti matanho matsva ari kutorwa neHurumende ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 achabatsira kuti vashanyi vave nechivimbo nekuuya munyika…
‘Covid-19 haifanire kukanganisa vana’
Muchaneta Chimuka GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti ibasa remunhu wose kuchengetedza kodzero dzevana munharaunda nemuzvikoro zvisinei nekuti nyika iri mubishi kurwisa chirwere cheCovid-19. Vachitaura pachirongwa chekukosha kwekuchengetedzwa kwevana…
Mari iri kuwedzera
Munyori weKwayedza MARI yepakati nepakati inowanikwa nevanhu vekumaruwa inonzi yakawedzera kakapetwa kaviri gore rino kana zvichienzaniswa nerapera panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19 zvichitevera budiriro muchikamu chezvekurima uye mari…
Gogo vomanikidza muzukuru kuyamwisa nyoka
Liberty Dube VAGARI vemubhuku raChiutani, kuChimanimani, svondo rapera vakasara vasina neremuromo mushure mekunge imwe chembere yeko yadura kuti inomanikidza muzukuru wayo kuti ayamwise nyoka yavo. Nyaya iyi yakabuda nemusi weMugovera…
Anofonerwa nechikomba murume aripo
Danisa Masuku MUDZIMAI wekuBulawayo anonzi akarova murume wake nekeyi yemhando yepadlock zvakaipisisa mumusoro nemuviri wose mushure mekunge amubvunza kuti sei asingamuremekedze apo akadaira nhare yake paakafonerwa nechikomba iye aripo. Zvinonzi…
Vasina kubaiwa vokonzeresa
Mukudzei Chingwere VANHU vasina kubaiwa majekiseni kana kuti nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 vanoratidza kuti ndivo vari kunyanya kubatwa nedenda iri uye nyaya dzakawanda dzerudzi urwu dzine zviratidzo zvekuti hutachiona hwacho…
Mishonga iri munzira
Tanyaradzwa Rusike CHIRONGWA chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 chichasimudzirwa zvikuru svondo rino apo Zimbabwe iri kutarisira kuwana mamwe majekiseni 500 000 kubva kukambani huru yeSinopharm yekuChina. Kuwanda kuri kuita…
Nyaradzo pfacha neSahwira Wear and Win Promotion
Munyori weKwayedza NYARADZO Group nemusi weChishanu yakaparura makwikwi achahwinhisa vanhu vanopfeka hanzu kana kuti mbatya dzinodyidzana nejira rine zviratidzo zvekambani iyi anonzi Sahwira Wear and Win Promotion ayo achaona vanhu…
‘Vakaremara tinoda ruzivo nezveCovid’
Abel Ndooka SANGANO reSigns of Hope rinoti vanhu vakaremara vanoda kuwaniswa ruzivo rwakazara pamusoro pechirwere cheCovid-19 kuburikidza nemitauro yavanonzwisisa inosanganisira wemasinai (Sign Language) uye nekubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri. Director…











