Marist Brothers hutu nemukombe

Daphne Machiri CHIKORO cheMarist Brothers Nyanga ndicho chakahwapura mukombe mumakwikwi enyika yose eJunior Achievement Zimbabwe Competitions ayo anokurudzira kuverenga mabhuku nekuita mabhindauko emawoko.

Seed Co ‘yodyara’ dzidzo

Daphne Machiri KAMBANI huru pakuuchika mbeu munyika, yeSeed Co, iri kuenderera mberi nechirongwa chayo chekusimudzira dzidzo munyika zvichitevera kubatsira kwairi kuita vana vechikoro nherera nekuvabhadharira mari dzedzidzo pamwe nekuvakisa dzimba…

Natasha haasati awana rubatsiro

Daphne Machiri AMAI vemwana wemakore mapfumbamwe wemuHarare, uyo ane dambudziko rekuzvimba muviri, vanoti vamomoterwa nezvikwereti zvekurapisa mwana wavo zvisinei kuti havazi kuona shanduko pahurwere

Danga risina mombe hariite manyowa

Ignatius Mabasa PANE charirova zizi harife nemhepo, uye Bhaibheri rinoti, “Vanotya, vanotiza nyangwe pasina ari kuvatandanisa.” Ndakatukwa nehama dzangu dziri kugara mhiri kwemakungwa. Chavakanga vachinditukira inyaya yekuti ndakataurirei kuti mavhidhiyo…

ZRP High School yakatora mukombe

Daphne Machiri CHIKORO cheZimbabwe Republic Police (ZRP) High School, icho chiri muHarare, ndicho chakatora mukombe mumakwikwi emakirabhu ekusima miti nekuchengetedza nharaunda pasi pechirongwa cheEco Schools Challenge

Vana vakatsvunha shona

Muchaneta Chimuka VANA vakawanda vakanyora bvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino vakabudirira zvikuru pabvunzo dzeShona kana zvichienzaniswa nezvimwe zvidzidzo.

Batsiraiwo Owen

Sandy Musungata MUMWE mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, uyo ari mugore rekutanga achiita zvidzidzo zvekurapa (Medicine), ari kukumbira rubatsiro kuruzhinji rweZimbabwe, kana kune vemakambani, rwemari inosvika $1 200 pasemester

George anoudzwa kuti achabuda muchipatara

Ticha Tichaziva CHITSAUKO 25 (Nyaya yacho) Nomusi weMuvhuro mudzimai waGeorge anodzoka kuHarare ndokunanga kuchipatara cheParirenyatwa uko

Ishe Machingauta anofuga rake oga

Ticha Tichaziva CHITSAUKO 11 (Ongororo: Enderero mberi) Zvinhu zvakaipa, Chokupamba anoona kuti hapasisina chake munhu ndokuvararika nenzvivanze akananga musango

Tsumo ‘dzakakora’

Ticha Danga TSVAkURUDZO yakanaka pakuti inoramba ichingoburitsa zvistva. Ndaifunga kuti chikamu chapera ndainge ndapedza zvetsumo totangana nezvitsva. Asi ndaona kuti nhava haingavharwi kana kusungwa ndisina kukanda

×
×