Mapurisa orumbidzwa nekupfuya huku

Abel Ndooka MAPURISA eZimbabwe Republic Police kuchikamu chePolice Protection Unit Northern District, muguta reHarare akarumbidzwa zvikuru nguva pfupi yadarika nechirongwa chekupfuya huku icho chavakavamba kutanga kwegore rino nedonzvo rekuvandudza basa…

Kurima gavakava/zivati kunobatsira

Clifford Tsigo KURIMA gavakava kana kuti zivati (aloe) kunobatsira zvikuru sezvo muto wacho uchinzi wakakosha panyaya dzekuchengetedza utano kunyangwe zvazvo vamwe vanhu vachiona sezvisina pundutso.

Zvipfuyo zvakarasika zvotengeswa

Kingstone Mapupu ZVIPFUYO zvakarasika ndokushaya varidzi kunharaunda yekanzuru yeManyame kuMashonaland East zvichange zvichitengeswa kuruzhinji munguva pfupi iri kutevera.

Musambo weChimurenga wosimudzirwa

Kingstone Mapupu MUMWE muimbi ari kusimukira wekwaMutoko, kudunhu reMashonaland East, oita zvinorova mumusambo weChimurenga. Gilbert Noel (39) anoimba nechikwata cheMutoko Chimurenga uye anoti akatanga zvekuimba kare ari pasi pevaimbi vane…

Vamwene ndivo mubati wehomwe

KUNA tete Ndiri mudzimai ane makore 28 okuzvarwa uye ndava nemwedzi mitatu ndawanikwa. Murume wangu anoshandira kunze kwenyika. Zvino dambudziko riripo nderekuti tiri varoora vatatu tichigara tose pamba pevabereki vevarume…

Pafa munhu hapashaikwi muroyi!

AFIRWA haatariswi kumeso, uyewo pese pafa munhu hapashaikwi muroi. Izvi ndizvo zviri kubuda pahurongwa huri kuitwa naPresident Mugabe pavari kumisa Hurumende itsva mushure mokudzinga basa

Madzimai, chivanhu nenhaka

MAZUVA atiri kufamba nawo akagukuchira zviitiko. Svondo rapfuura chete kwakaitwa: musangano mukuru webato riri kutonga reZanu-PF (6th National People’s Congress) wakatanga musi wa2 Zvita ukapera musi wa7 Zvita.

‘Mishonga ngaiwanikwe nemitengo yakaderera’

Muchaneta Chimuka NYANZVI mukushanda nemishonga (pharmacy technicians) dzakakurudzirwa kuti dziwanise veruzhinji mishonga nemitengo yakaderera nedonzvo rekurwisa zvirwere zviri kuramba zvichinyuka munyika.

Ongororo yekuroorwa kwevasikana vane HIV

Catherine Murombedzi Kurarama ne HIV MUNHU mumwe chete pavanhu makumi maviri anorarama neutachiona hweHIV mudunhu reSub-Saharan Africa. Aya mashoko akataurwa naDr Charlotte Scott vanova mudzimai wevakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika yeZambia,…

Chaya 7979 urwise Ebola

Muchaneta Chimuka MAPAZI maviri eHurumende anoti rezveutano nekurerwa kwevana nerekufambiswa kwemashoko akaparura chirongwa chekuunganidza mari yekurwisa chirwere cheEbola muAfrica.

×
×