CHI-TOWN YOITA KUNGE RUZEVHA . . . Mwedzi misere kusina mvura
VAGARI vemuChitungwiza vanoti vaomerwa neupenyu zvichitevera kunetsa kwemvura zvekuti vamwe vasvitsa mwedzi misere vasina mvura yemupombi izvo zvava kuvatuma kunwa yemumatsime nemunzizi iyo isina kuchena zvichivasiya vari panyatwa yekubatwa nezvirwere.
MAONERO EDU: Zororai murugare Cde Mugabe
GORE dema rakafukidza nyika ino nemusi weChishanu chadarika zvichitevera kushaika kwevaimbove mutungamiri weZimbabwe, Cde Robert Gabriel Mugabe.
NDAROVERA HOKO: CHIPEZEZE
MUBATI wepagedhi weWarriors Elvis Chipezeze anoti atoroverera hoko pagedhi uye acharwa semvumba kuti arambe achibatira chikwata chenyika ichi.
Zimpapers Netball Queens yotarisa kure
CHIKWATA chenetball chekambani huru munyaya dzezvenhau munyika muno cheZimpapers Netball Queens chinoti chine shuviro yekusvika kure mumutambo uyu uye chinoda kuti chizopinda muligi reZimbabwe Netball Association Super League.
Rev Chivaviro: Mwana otevera matsimba
MWANA weshasha yekuimba nziyo dzemusambo wechitendero Reverend Togarepi Chivaviro – Tinashe Chivaviro – anoti ari kuda kusvika pachidanho china baba vake chekuva nemukurumbira kuburikidza nemimhanzi.
Musangano weGoat Indaba 2019 woitwa
NECHINANGWA chekusimudzira bhizimisi rekuchengetwa nekutengeswa kwembudzi muZimbabwe, sangano reGoat Breeders Association of Zimbabwe (GBAZ) richaita musangano weGoat Indaba nemusi wa18 Gunyana paHenderson Research Institute kuMazowe.
Chirongwa chemaNight Clinics chobudirira
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti vatyairi vemagonyeti pamwechete nevanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vane njodzi huru yekuramba vachiparadzira utachiona hweHIV uye nezvirwere zvepabonde asi izvi zviri kuderedzwa kuburikidza nezvirongwa zvakasiyana.
Seed Co yoshaina kuLowveld
AIVA makuwerere kuLowveld Agricultural Show, kuChiredzi nemusi wa30 na31 Nyamavhuvhu. Nyanzvi dzekurima nevemakambani anoshanda nevarimi vakokoromoka vachinopemberera nekukwikwidzana pashoo yehurudza iyi.
Zvairwadza vatema
SVONDO rino tichapedzisa mhinduro yemubvunzo wemadingindira watakatanga svondo rapfuura.
Tsumo iyi inoshandisa nyaudzosingwi mbiri. Chipitipiti kufamba kwemunhu kana vanhu vanoramba vachipinda kana kuenda kumba kwevamwe. Chimwandamwanda kureva kupesana kunoita kuti vanhu vapedzisire vave uyo kwake uyo kwake. Saka kunyanya kufambirana kunopedzisira kwakanganisa hushamwari.








