Musha wopinda mhepo . . .Vanongofa 21 Kurume

Kingstone Mapupu VANHU vemhuri imwe chete kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, vanonzi vanofa musi mumwe chete, mwedzi mumwe chete — 21 Kurume (March) —mumakore akasiyana, vamwe vacho vachibatwa nedenda rekurasika njere munguva…

Unoionawo sei . . .? Unoionawo sei . . .? KUCHENGETESA MUBEREKI KU‘OLD PEOPLE’S HOME?

Muchaneta Chimuka “NDAKAUNZWA pano nevana vangu gore rapera vachiti ndizochengetwa pano asi ndigere hangu zvakanaka — ndiri kuchengetwa fani. Chikafu tinopihwa kana kugezeswa vanotigezesa chaizvo vasikana vepano. Vane chido zvikuru.…

Vomuka vakazorwa derere ‘. . . vakadzi tichisanduka kuva varume’

Kingstone Mapupu VANASIKANA vashanu vemhuri imwe chete yekwaMangwende, kwaMurehwa, vari kudemba vachiti vanomuka mangwanani vakazorwa derere miviri yavo vose mushure mekunge varara vachikinditswa nezvinhu zvavasingaone. Sezvinonzi manenji avari kuoneswa pakufuma vakaposhongedzwa…

Idai: Tisamire kubatsira

ZIMBABWE pari zvino iri mushishi kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remvura yemafashamu yaive nedutumupengo rinodaidzwa kuti Tropical Cyclone Idai kumatunhu anoti Manicaland, Masvingo neMashonaland East. Vanhu vakafa nokuda kwemafashamu aya munyika…

Bulawayo City: Shasha yema ‘red card’

Abel Ndooka CHIKWATA cheBulawayo City mwaka wapera ndicho chakaita mukurumbira usina kunaka wekuve nevatambi vakawanda vakapihwa ma “red card” vachiburitswa mumutambo uyu. Mumutambo wenhabvu, mutambi kana akapihwa “red card” anobva…

Mutengo wechibage mutsva wakaziviswa

Tendai Mugabe HURUMENDE nemusi weChipiri svondo rino yakazivisa mitengo mitsva yezvirimwa zvakasiyana — zvinosanganisira chibage icho chave kutengwa neRTGS$726 patani kubva paRTGS$390 — nechinangwa chekuti varimi vasimukire mumabasa avo. Mitengo…

Vana vanoda rutsigiro: Mavima

Nesia Mhaka naEllen Chasokela GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanokurudzira vatsigiri vechikamu chedzidzo vakasiyana pamwe nevabereki kuti vaone kuti vana vechikoro vawaniswa midziyo yemhando yepamusoro yekushandisa muzvikoro. Vakataura…

Ziva paumire

DINGINDIRA repasi rose rekucherechedza zuva reWorld AIDS 2018/19 rinoti ‘Ziva Paumire’. Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana pamwe nesangano reNational AIDS Council rakavandudza chirongwa ichi kuitira kuti vanhu vasangoziva maringe nepavamire…

Zimpapers yopa makombiyuta

Nesia Mhaka KAMBANI huru munyaya dzezvenhau muZimbabwe, yeZimpapers svondo rapera yakapa chipo chemakombiyuta gumi kuchikoro cheBonda Primary School icho chiri kuMberengwa senzira yekutsigira chirongwa cheHurumende che “e-learning”. Vachitaura pakugashidzwa kwema…

Muzinda wevanhukadzi wakavhurwa

Daphne Machiri VANHUKADZI vari kusangana nematambudziko ekushungurudzwa nenzira dzakasiyana vave kuzowana kwekutizira zvichitevera kuvakwa kwakaitwa muzinda weRozaria Memorial Trust kwaMurehwa uyo vachawana rubatsiro. Muzinda uyu – uyo wakavakwa nerubatsiro rwenyika…