Muti wekutaura: ‘Pakafira munhu’

Freedom Mupanedemo ari kuREDCLIFF NYAYA yezihunde remuti wekurukisheni rwekuRutendo, mudhorobha reRedcliff, kudunhu reMidlands – iro rinonzi svondo rapera rakadonhedzwa nemhepo yaiva nedutu rikatanga kutaura richirambidza vagari veko kuritemera huni, pashure…

Muroora wemimba yatezvara akabara

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wechidiki wekuHurungwe — uyo anoti akabatwa chibharo navatezvara vake ndokupiwa pamuviri asi ndokurega kumhan’ara nyaya iyi — akasunguka mwana musikana svondo rapera pamberi musango. Mudzimai uyu –…

‘Zvikoro zvose zvinoda ECD’

Malven Mugadzikwa MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti zvikoro zvose zvinosungirwa kuva nepekudzidzira pakanaka pevana veEarly Childhood Development (ECD). Vakataura mashoko aya apo vaiparura zviri pamutemo nzvimbo yekuvakira mupanda…

Mizinda yemabasa yopera kuvakwa

Rejoy Masengedzero KUVAKWA kwemizinda yekudzidzira mabasa emawoko (innovation hubs) inosvika mitanhatu muzvikoro zvepamusoro munyika yose kwave pedyo nekupera. Mashoko aya akaziviswa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira…

Kupfuya tsuro ngakuve bhizimisi

Kingstone Mapupu VARIMI vanopfuya tsuro vokurudzirwa kuti vatore basa iri sebhizimisi rakangofanana nemamwe mabasa sezvo vachikwanisa kuwana pundutso kubva mariri. Kurudziro iyi yakapihwa nemurimi ane mukurumbira munyaya dzekupfuiwa kwetsuro VaGift Jambaya…

Maticha opinzwa basa

Freeman Razemba HURUMENDE yakaendesa mazita 1 500 evanhu vanoda kupinda basa rehuticha kuPublic Service Commission (PSC) kuti ange achiongororwa pakati pevaraidzi 3 000 avo vachapinzwa mabasa. Pane kushomeka kwematicha muzvikoro…

Magaya akabatwa nemhosva

Tendai Rupapa MUTUNGAMIRIRI wechechi yeProphetic Healing and Deliverance (PHD) Ministries, Walter Magaya nemusi weChipiri svondo rino akabhadhariswa faindi ye$700 nedare reHarare Magistrates’ Court mushure mekubatwa nemhosva yekuzivisa kuti akawana mushonga…

Ongororo yezvirimwa, zvipfuyo yoitwa

Elita Chikwati HURUMENDE yakatanga chirongwa chekuongorora mamiriro ezvirimwa nezvipfuyo munyika yose nechinangwa chekuti izive kukura kweminda yakarimwa, nyaya dzemafuro nekuwanikwa kwemvura. Mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu…

‘Reva chokwadi, kuti uri pfambi’

Milcah Nhakura naTatenda Shuro MUKADZI wekuendesa amainini — mudzimai wababa vake — kudare achiti vari kumushungurudza akazoshaya pekupinda apo vakamuti ipfambi yemakoko uye nyaya yavanogara vachinetserana ndeyekuti haadi kutsiurwa. Gladys Nyika…

Kenduru tsve pachigubhu chizere peturu

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MUNYAYA inosiririsa zvikuru, mudzimai wechidiki aigara kuTengwe Township, kuChinhoyi, akatsvira mumba mushure mekunge abatidza kenduru ndokuiisa pamusoro pechigubu chaive nepeturu zvikaita kuti chibatire, imba yose ndokuririma…

×