CHOLERA: MUSADYE ZVEMUMIGWAGWA
Rosemary Magwaro aitengesa hove kuMatapi, kuMbare, nemusi weChishanu svondo rino izvo zvinova nenjodzi kuutano hwevanhu zvichitevera kunyuka kwechirwere checholera. Veruzhinji vari kukurudzirwa kuchengetedza utsanana nekusangotenga zvekudya pose-pose semumigwagwa.
CHOLERA: MUSANGOUNGANA
Mapositori aive akaungana pamasowe mumugwagwa Seke Road, kuGraniteside, muHarare, zvinsinei nekurudziro iri kuitwa neHurumende kuti vanhu vasangoungana panzvimbo zvichitevera kunyuka kwechirwere checholera. Panzvimbo iyi panokwanisa kunge pasina zvimbuzi nemvura yemupombi…
Ziva nezve’cholera’
Muchaneta Chimuka CHIRWERE checholera chakaipisisa zvikuru nekuti chinokonzera kupera kwemvura yemumuviri mukati menguva diki kuburikidza nekurutsa uye kuchaya manyoka, izvo zvinogona kuita kuti munhu afe kana chikanonoka kurapwa.
Msasa Industrial Training College: ‘Tiri kusimudzira vanhukadzi’
Lizzy Mushoriwa KOREJI yemabasa emawoko, yeMsasa Industrial Training College, iyo iri muHarare iri kusimudzira vanhukadzi kuburikidza nekuvadzidzisa mabasa ayo kare aisinzi anoitwa nevanhurume chete. Mukuru wekoreji iyi, Muzvare Ringisai Chinamasa,…
‘Bvumai plastic money’
Munyori weKwayedza HURUMENDE inoti zvikoro zvinofanirwa kuvhura mamwe maakaundi akaita seEcoCash kuti vabereki vakwanise kubhadhara mari dzevana dzechikoro zviri nyore kunze kwekushandisa musvo kana maRTG chete.
Chirwere checholera chorwiswa
Muchaneta Chimuka HUWANDU hwevanhu varasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere checholera munzvimbo yeGlen View neBudiriro, muHarare, hwainge hwakwira kubva pa16 kuenda pa20 nemusi weChipiri svondo rino uye pari kutyirwa kuti hunogona kuwedzera…
Vanasikana vopinzwa chikoro
Muchaneta Chimuka SANGANO rakazvimirira reSister 2 Sister riri kusimudzira upenyu hwevanasikana vanotambura muZimbabwe kuburikidza nekuvabatsira kuti vawane fundo neutano hwakanaka.
Hari dzemidzimu dzakatsakatika
Kingstone Mapupu VECHIKURU kudunhu raMambo Chipuriro, kuGuruve, nguva yadarika vakasara vaine kukatyamadzwa kukuru zvichitevera kutsakatika kwakaita hari dzemidzimu idzo dzaigara murimwe gomo reko rinoyera.
Moto wemapipi wadzokazve
Kingstone Mapupu MHURI yekwaMarange — iyo yange yapedza mwedzi mina ichigara musango nekuda kwedambudziko remoto unongotanga woga uyo unonzi wakazombomira mushure mekubatsirwa neimwe n’anga — inoti moto uyu watanga zvakare.
Kurima sweet peppers
Elizabeth Benjamin KAMBANI yePrime Seed Co inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) nedzemafuro ezvipfuyo dzakasioyana-siyana. Inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, aya anodaidzwa kuti mahybrids.










